Joshuwa 23
23
B: JOSHUWA ANOONEKANA NAVAISIRAERI
1Kwakati kwapera nguva ndefu mushure nokunge Tenzi apa vaIsiraeri runyararo kumativi ose vasisina kana mhandu zvayo yaivanetsa, iye Joshuwa akwegura makore ake aendedzana. 2Joshuwa akadaidza vaIsiraeri vose navakuru vakuru vavo navatungamiriri navatongi namachinda akati kwavari, “Ini ndachembera, mazuva angu aendedzana. 3Imi makaona zvose zvakaitwa naTenzi Mwari wenyu kumarudzi ose aya pamusana penyu nokuti iye Tenzi Mwari wenyu ndiye aikurwirai. 4Chionai ndakakugoverai senhaka yamadzinza enyu, nyika dzose dzendudzi dzavanhu dzisati dzakurirwa pamwechete nedzandakakurira kubvira kuna Jorodhani kusvikira kuGungwa guru#23:4 Gungwa guru: Gungwa reMedhiterenieni. kumadokero. 5Tenzi Mwari wenyu achakudzingirai achikutandanisira vanhu ivavo imi muchizotora nyika iyoyo sokutaura kwakaita Tenzi Mwari wenyu kwamuri. 6Naizvozvo ivai nomwoyo wechivindi chaiwo muchengete nokuita zvose zvakanyorwa mubhuku romutemo waMosesi. Musawane chimwe chamunotsaudzira pauri muchienda uku kana uku. 7Ndinodariro kuti murege kufambidzana nokudyidzana namarudzi akasara kuno ari mukati menyu modoma mazita avamwari vavo kana kupika navo kana kuvanamata kana kuvapfugamira. 8Asi imi munofanira kuramba makati kwati kwati naTenzi Mwari wenyu sezvamaita kusvikira nhasi uno, 9nokuti Tenzi akakudzingirai ndudzi dzavanhu huru dzine simba uye hapana munhu akagona kumirisana nemi kusvikira pari nhasi. 10Munhu mumwechete pakati penyu anomhanyisa chiuru chavanhu nokuti Tenzi Mwari wenyu ndiye anokurwirai sokukutsidzirai kwaakaita. 11Saka nyatsongwarirai kuda Tenzi Mwari wenyu. 12Asi mukapinduka mowirirana namarudzi aya akasara mukati menyu moroorerana navo vakadzi, 13nyatsozivai zvechokwadi kuti Tenzi Mwari wenyu haazoramba achikudzingirai marudzi, asi ivo vachava riva nechinhu chinokuteyai neshamhu inokurovai mativi neminzwa mumaziso enyu kudzamara matsakatika munyika ino yakanaka yamapiwa naTenzi Mwari wenyu.
14“Chionai ini ndava kuendawo kunoenda vamwe imi mose munonyatsozviziva mumwoyo menyu mose iyemi pachenyu kuti hakuna kana chinhu chimwechete zvacho chakanaka chakavimbiswa pamusoro penyu chisina kuitika, zvose zvakaitirwa imi, hapana chakakundika. 15Sokuzadzikisirwa kwakangoitwa zvinhu zvakanaka zvose zvamakavimbiswa naTenzi, saizvozvowo Tenzi achazongoitawo kuti zvakaipa zvose zvikuwirei kusvikira akutsakatisai munyika ino iyi yakanaka yamakapiwa naiye Tenzi, Mwari wenyu. 16Nokudaro mukatyora chitenderano chaTenzi, Mwari wenyu chaakakuudzai, mukandonamata vamwe vamwari muchivapfugamira, Tenzi ndopaachakuvirukirai nehasha, mugokurumidza kutsakatika munyika yakanaka yaakakupai.”
Zvasarudzwa nguva ino
Joshuwa 23: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.