Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshuwa 23:1-16

Joshuwa 23:1-16 SCLB

Kwakati kwapera nguva ndefu mushure nokunge Tenzi apa vaIsiraeri runyararo kumativi ose vasisina kana mhandu zvayo yaivanetsa, iye Joshuwa akwegura makore ake aendedzana. Joshuwa akadaidza vaIsiraeri vose navakuru vakuru vavo navatungamiriri navatongi namachinda akati kwavari, “Ini ndachembera, mazuva angu aendedzana. Imi makaona zvose zvakaitwa naTenzi Mwari wenyu kumarudzi ose aya pamusana penyu nokuti iye Tenzi Mwari wenyu ndiye aikurwirai. Chionai ndakakugoverai senhaka yamadzinza enyu, nyika dzose dzendudzi dzavanhu dzisati dzakurirwa pamwechete nedzandakakurira kubvira kuna Jorodhani kusvikira kuGungwa guru kumadokero. Tenzi Mwari wenyu achakudzingirai achikutandanisira vanhu ivavo imi muchizotora nyika iyoyo sokutaura kwakaita Tenzi Mwari wenyu kwamuri. Naizvozvo ivai nomwoyo wechivindi chaiwo muchengete nokuita zvose zvakanyorwa mubhuku romutemo waMosesi. Musawane chimwe chamunotsaudzira pauri muchienda uku kana uku. Ndinodariro kuti murege kufambidzana nokudyidzana namarudzi akasara kuno ari mukati menyu modoma mazita avamwari vavo kana kupika navo kana kuvanamata kana kuvapfugamira. Asi imi munofanira kuramba makati kwati kwati naTenzi Mwari wenyu sezvamaita kusvikira nhasi uno, nokuti Tenzi akakudzingirai ndudzi dzavanhu huru dzine simba uye hapana munhu akagona kumirisana nemi kusvikira pari nhasi. Munhu mumwechete pakati penyu anomhanyisa chiuru chavanhu nokuti Tenzi Mwari wenyu ndiye anokurwirai sokukutsidzirai kwaakaita. Saka nyatsongwarirai kuda Tenzi Mwari wenyu. Asi mukapinduka mowirirana namarudzi aya akasara mukati menyu moroorerana navo vakadzi, nyatsozivai zvechokwadi kuti Tenzi Mwari wenyu haazoramba achikudzingirai marudzi, asi ivo vachava riva nechinhu chinokuteyai neshamhu inokurovai mativi neminzwa mumaziso enyu kudzamara matsakatika munyika ino yakanaka yamapiwa naTenzi Mwari wenyu. “Chionai ini ndava kuendawo kunoenda vamwe imi mose munonyatsozviziva mumwoyo menyu mose iyemi pachenyu kuti hakuna kana chinhu chimwechete zvacho chakanaka chakavimbiswa pamusoro penyu chisina kuitika, zvose zvakaitirwa imi, hapana chakakundika. Sokuzadzikisirwa kwakangoitwa zvinhu zvakanaka zvose zvamakavimbiswa naTenzi, saizvozvowo Tenzi achazongoitawo kuti zvakaipa zvose zvikuwirei kusvikira akutsakatisai munyika ino iyi yakanaka yamakapiwa naiye Tenzi, Mwari wenyu. Nokudaro mukatyora chitenderano chaTenzi, Mwari wenyu chaakakuudzai, mukandonamata vamwe vamwari muchivapfugamira, Tenzi ndopaachakuvirukirai nehasha, mugokurumidza kutsakatika munyika yakanaka yaakakupai.”

Verenga chikamu Joshuwa 23