Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshuwa 1:5-9

Joshuwa 1:5-9 SCLB

Hakuna achagona kumirisana newe, mazuva oupenyu hwako hwose. Ndichava newe sezvandaingoita naMosesi. Handimbokusiyi uri woga, kana kukurega uchikundikana. Shinga, utsunge mwoyo nokuti ndiwe uchaita kuti vanhu ava vagare nhaka yenyika yandakatsidza kumadzibaba avo kuvapa. Chako iwe chete kushinga mwoyo nokuva nomwoyo wechivindi chaiwo, uchenjerere kuita zvose maererano nomutemo wawakaudzwa naMosesi muranda wangu. Usawane chimwe chaunotsaudzira pauri uchienda uku kana uku, kuti unyatsobudirira kwose kwaunoenda. Bhuku romutemo iri ngarirege zvaro kumbobva pamuromo pako, ufungisise zviri mariri siku nesikati, kuti unyatsoita maererano nezvose zvakanyorwamo, ndopazvichakufambira zvakanaka ugonyatsobudirirawo. Handiti ndakuudza kuti shinga utsunge mwoyo. Usambotya zvako, kana kuzeza nokuti Tenzi, Mwari wako achava newe kwose kwauchaenda.”

Verenga chikamu Joshuwa 1