Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshuwa 1:5-7

Joshuwa 1:5-7 SCLB

Hakuna achagona kumirisana newe, mazuva oupenyu hwako hwose. Ndichava newe sezvandaingoita naMosesi. Handimbokusiyi uri woga, kana kukurega uchikundikana. Shinga, utsunge mwoyo nokuti ndiwe uchaita kuti vanhu ava vagare nhaka yenyika yandakatsidza kumadzibaba avo kuvapa. Chako iwe chete kushinga mwoyo nokuva nomwoyo wechivindi chaiwo, uchenjerere kuita zvose maererano nomutemo wawakaudzwa naMosesi muranda wangu. Usawane chimwe chaunotsaudzira pauri uchienda uku kana uku, kuti unyatsobudirira kwose kwaunoenda.

Verenga chikamu Joshuwa 1