Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joeri 2:1-27

Joeri 2:1-27 SCLB

Ridzai hwamanda muguta reZioni ridzai bhosvo reyambiro pagomo rangu rinoera. Vagari venyika ino vose zvavo ngavadedere nokuti zuva raTENZI riri kuuya, ratova pedyo. Zuva iroro izuva rerima nezarima, zuva ramakore, zuva rakati kwirindindi kusvipa. Soutonga hwatsvuka pamakomo, ungati rudzi rwavanhu rune simba rusina kumbovapo nyange pasichigare uye kuti rwakadaro haruchazovapo mushure madzo pamakore ezvizvarwa zvose zvazvo. Dzemberi kwacho ungati moto unororomesa. Dzeshure moto zvawo unoririma. Mberi kwadzo uku, nyika yacho ungati ibindu reEdheni; asi shure kwadzo, kwava renje zvaro raparara. Hapana chinodzipunyuka. Dzinotarisika samabhiza, dzichimhanya samabhiza ehondo. Dzinoriridza sengoro dzehondo, dzinosvetuka pamisoro yamakomo sokubarika kwerimi romoto riri kuroromesa mashanga, sehondo ine simba yarongwa kuti ichirwa hondo. Pakudziona marudzi avanhu achatambura, zviso zvose zvichati suruduru! Savarwi chaivo, dzavakutanga kurwisa; savarwi, madziro chairo dzinoati karakata kukwira, dzinofamba imwe neimwe yakati tande nenzira yayo dzisingatsauki gwara radzo. Hadzisundidzirani, imwe neimwe inongofamba iri mugwara rayo chete. Dzinodimura nomukati mezvombo zvehondo dzisina kana anodzimisa. Dzinosvetukira pamusoro peguta, dzinomhanya napamusoro petsingo; dzinokwira dzichipinda mudzimba, dzichipinda nepamahwindo sembavha. Nyika inondengendeka mberi kwadzo, matenga achidedera, zuva nomwedzi zvinokwidibirwa, nyenyedzi dzorega kupenya. TENZI akaburitsa izwi rake mberi kwehondo yake nokuti hondo yake igurusvusvu guru kwazvo anoita zvinhu zvaanenge areva, ane simba nokuti zuva raTENZI izuva guru rinotyisa kwazvo. Ndiani angaritirire? “Asi kunyange nazvino, ndozviri kutaura TENZI dzokerai kwandiri nomwoyo wenyu wose muchitsanya nokuhwihwidza nokuungudza. Uye bvarurai mwoyo yenyu kwete hanzu dzenyu. Dzokerai kuna TENZI Mwari wenyu nokuti iye ane nyasha netsitsi. Haakurumidzi kushatirwa uye azere nomwoyochena, anozvidzora orega kuita zvakaipa.” Ndiani angazive, zvimwe angapinduke akazvidzora zvake achibva azosiya makomborero mushure make, zvokuti vanhu vanogona kupira mupiro wembesanwa nomupiro wokuteura kuna TENZI, Mwari wenyu? Ridzai hwamanda muguta reZioni, tsaurai zuva rokutsanya, kokerai musangano wezvokunamata, unganidzai vanhu, chenurai gungano ravanhu unganidzai vakuru vakuru, kokorodzai vana, kunyangewo vacheche vachiri kuyamwa. Chikomba ngachisiye gota racho mwenga asiyewo nhanga yake. Pakati pekamba kepamusuo neatari, vapristi, vashandiri vaTENZI ngavahwihwidze kuchema vari ipapo vachiti, “TENZI we-e regai vanhu venyu vari vapenyu musaite kuti nhaka yenyu ive chiseko zvacho, kana kuva dimikira pakati pamarudzi. Madirei kuti marudzi ataurirane kuti, ‘Mwari wavo aripi?’ ” Ipapo TENZI akaita shungu nenyika yake, akanzwira vanhu vake urombo. TENZI akapindura vanhu vake achiti, “Chinzwai, ndava kukutumirai mbesanwa newaini namafuta eorivhi zvokuti muchaguta uye handichazombokuitazve kuti muve chiseko chenyika pakati pamarudzi avanhu. Ndichaendesa wokuchamhembe kure nemi ndigomudzingira murenje zvaro renyika, nhungamiri dzake dzavarwi ndidziti rororo mugungwa rokumabvazuva, varwi vake vokutsigira shure ndichivati ririri mugungwa rokumadokero. Gutukutu rokunhuwa kwake richasumuka, nokuti yaakapara ihuru. “Iwe nyika rega zvako kutya! Fara upembere nokuti TENZI akaita zvinhu zvikuru! Imi mhuka dzesango regai henyu kutya nokuti mafuro okurenje asvibirira ruswiswi, miti inobereka michero yayo muonde nomugirepisi, yanyatsobereka michero yakakwana. “Farai henyu imi vana veguta reZioni mupembere kufara naTENZI, Mwari wenyu, nokuti akakunayisirai mvura yomunhuruka achiita zviri pamwero akakuwodzvorerai mvura yomunhuruka neyamatsutso sakare. Maware achazara nembesanwa mokusvinira muchifashuka waini namafuta eorivhi. Ndichakudzoserai zvinotsivana namakore okudyirwa nemhashu dzegute nehwiza dzegwatakwata uye neemhashu dzinorozva nedzomuteteni, hondo yangu huru yandakatumira pakati penyu. Muchadya zvakawanda zvokutoguta muchirumbidza zita raTENZI, Mwari wenyu anenge akuitirai zvishamiso. Nezvo vanhu vangu havazofa vakanyadziswazve. Ndipo pamuchazoziva kuti ndiri mukati meIsiraeri uye kuti ini, TENZI ndini Mwari wenyu, hakuna mumwe uye vanhu vangu havazombofa vakanyadziswazve.

Verenga chikamu Joeri 2