Akati kwavari, “Imi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro, imi muri vapasi pano, ini handisi wapasi pano. Ndakutaurirai kuti muchafira muzvitadzo zvenyu kunze kwokunge matotenda kuti, ‘Ndiri iye wandiri.’ ” Vakati kwaari, “Iwe ndiwe ani iwe?” Jesu akati kwavari, “Handiti ndizvo zvandambokutaurirai pakutanga. Ndine zvizhinji zvandingataure nezvenyu, uye ndine zvakawanda zvandingakupei mhosva nazvo. Asi iye akandituma ari pachokwadi saka ndinoparidza pasi pose zvandakanzwa kwaari.” Asi havana kunzwisisa kuti aivataurira nezvaBaba. Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Kana masimudza Mwanakomana womunhu ndipo pamuchaziva kuti, ‘Ndiri iye wandiri,’ uye kuti handiiti zvomusoro wangu asi kuti ndinotaura zvandinenge ndatoudzwawo naBaba. Iye akandituma aneni. Haana kundisiya ndiri ndoga nokuti ndinogaroita zvinomufadza.” Nokutaura kwaaiita ikoko vazhinji vakatenda maari. Jesu akati kuna vaJudha vakanga vatenda maari, “Kana mukagara muchichengeta izwi rangu, muri vadzidzi vangu chaivo uye muchaziva chokwadi, uyezve chokwadi chichakupai rusununguko.”
Verenga chikamu Johani 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 8:23-32
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo