Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 8:21-36

Johani 8:21-36 SCLB

Akatizve, “Ndava kuenda, imi muchanditsvaka asi muchafira muzvitadzo zvenyu. Kwandiri kuenda, imi hamukwanisi kuuyako.” VaJudha ndokuti, “Achazviuraya here zvaari kuti kwandinoenda hamukwanisi kuuyako?” Akati kwavari, “Imi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro, imi muri vapasi pano, ini handisi wapasi pano. Ndakutaurirai kuti muchafira muzvitadzo zvenyu kunze kwokunge matotenda kuti, ‘Ndiri iye wandiri.’ ” Vakati kwaari, “Iwe ndiwe ani iwe?” Jesu akati kwavari, “Handiti ndizvo zvandambokutaurirai pakutanga. Ndine zvizhinji zvandingataure nezvenyu, uye ndine zvakawanda zvandingakupei mhosva nazvo. Asi iye akandituma ari pachokwadi saka ndinoparidza pasi pose zvandakanzwa kwaari.” Asi havana kunzwisisa kuti aivataurira nezvaBaba. Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Kana masimudza Mwanakomana womunhu ndipo pamuchaziva kuti, ‘Ndiri iye wandiri,’ uye kuti handiiti zvomusoro wangu asi kuti ndinotaura zvandinenge ndatoudzwawo naBaba. Iye akandituma aneni. Haana kundisiya ndiri ndoga nokuti ndinogaroita zvinomufadza.” Nokutaura kwaaiita ikoko vazhinji vakatenda maari. Jesu akati kuna vaJudha vakanga vatenda maari, “Kana mukagara muchichengeta izwi rangu, muri vadzidzi vangu chaivo uye muchaziva chokwadi, uyezve chokwadi chichakupai rusununguko.” Vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahamu hatisati tambova varanda vomumwe munhu. Zvino ungagotaura sei uchiti muchawana rusununguko?” Jesu akavapindura achiti, “Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri, munhu wose anopara chitadzo muranda wechitadzo. Mumhuri, muranda mupfuuri chete, asi mwana ndewemo nokusingaperi. Saizvozvo kana Mwanakomana akakupai rusununguko muchava norusununguko ruzere.

Verenga chikamu Johani 8