Zvino akatizve kwavari, “Ndinoenda, muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; pandinoenda, imi hamungauyipo.”
Zvino vaJudha vakati, “Achazviuraya kanhi, zvaanoti, pandinoenda, imi hamungauyipo?”
Akati kwavari, “Imi muri vapasi, ini ndiri wokumusoro; imi muri venyika ino, ini handisi wenyika ino. Naizvozvo ndakati kwamuri, muchafira muzvivi zvenyu, nokuti kana musinganditendi, kuti, ‘Ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.’ ”
Zvino vakati kwaari, “Iwe ndiwe aniko?” Jesu akati kwavari, “Izvo zvandinongoramba ndichikuudzai kubva pakutanga. Ndine zvizhinji zvandinoda kureva nokutonga pamusoro penyu; asi akandituma ndowechokwadi; izvo zvandakanzwa kwaari, ndizvo zvandinoudza nyika.”
Asi havana kunzwisisa kuti anovaudza zvababa. Naizvozvo Jesu akati, “Kana masimudza Mwanakomana womunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, uye kuti ini handiiti chinhu ndimene, asi ndinotaura izvozvo zvandakadzidziswa nababa.
“Akandituma aneni. Haana kundisiya ndiri ndoga; nokuti ini ndinoita nguva dzose zvinomufadza.”
Akati areva izvozvo, vazhinji vakatenda kwaari.
Zvino Jesu akati kuvaJudha avo, vakanga vamutenda, “Kana imi muchigara mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Muchaziva chokwadi, nechokwadi chichakusunungurai.”
Vakamupindura, vakati, “Tiri vorudzi rwaAbhurahamu isu, hatina kutongova varanda vomunhu; zvino iwe ungareva seiko kuti, ‘Muchasunungurwa?’ ”
Jesu akapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anoita zvivi, ndiye muranda wezvivi. Muranda haagari mumba nokusingaperi; mwanakomana ndiye anogara nokusingaperi. Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo.