Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 8:12-30

Johani 8:12-30 SCLB

Jesu akataurazve kwavari achiti, “Ndini mwenje wapasi anonditevera haafambi murima achave nechiedza choupenyu.” VaFarisei vakati kwaari, “Uri kuzvipupurira. Kuzvipupurira kwako hakusi kwechokwadi.” Jesu akapindura achiti, “Kunyange zvangu ndichizvipupurira, kuzvipupurira kwangu ndekwechokwadi nokuti ndinoziva kwandinobva uye kwandinoenda, asi imi hamuzive kwandinobva uye kwandinoenda. Imi munotonga namatongero avanhu, ini hapana wandinotonga ndichidaro. Kunyange dai ndaitonga zvangu, kutonga kwangu ndekwechokwadi nokuti handitongi nokwangu ndoga, asi pamwechete naiye wakandituma. Mumutemo wenyu makanyorwa kuti uchapupu hwavaviri ndehwechokwadi. Ndinozvipupurira uye Baba vakandituma vanondipupurirawo.” Vakati kwaari, “Ivo Baba vako varipiko?” Jesu akavapindura achiti, “Hamundizivi uye hamuzivi Baba vangu. Dai maindiziva mazivawo Baba vangu.” Mazwi aya akaataura ari nechekwaichengeterwa mari achidzidzisa ari muTemberi. Asi hapana akamusunga nokuti nguva yake yakanga isati yasvika. Akatizve, “Ndava kuenda, imi muchanditsvaka asi muchafira muzvitadzo zvenyu. Kwandiri kuenda, imi hamukwanisi kuuyako.” VaJudha ndokuti, “Achazviuraya here zvaari kuti kwandinoenda hamukwanisi kuuyako?” Akati kwavari, “Imi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro, imi muri vapasi pano, ini handisi wapasi pano. Ndakutaurirai kuti muchafira muzvitadzo zvenyu kunze kwokunge matotenda kuti, ‘Ndiri iye wandiri.’ ” Vakati kwaari, “Iwe ndiwe ani iwe?” Jesu akati kwavari, “Handiti ndizvo zvandambokutaurirai pakutanga. Ndine zvizhinji zvandingataure nezvenyu, uye ndine zvakawanda zvandingakupei mhosva nazvo. Asi iye akandituma ari pachokwadi saka ndinoparidza pasi pose zvandakanzwa kwaari.” Asi havana kunzwisisa kuti aivataurira nezvaBaba. Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Kana masimudza Mwanakomana womunhu ndipo pamuchaziva kuti, ‘Ndiri iye wandiri,’ uye kuti handiiti zvomusoro wangu asi kuti ndinotaura zvandinenge ndatoudzwawo naBaba. Iye akandituma aneni. Haana kundisiya ndiri ndoga nokuti ndinogaroita zvinomufadza.” Nokutaura kwaaiita ikoko vazhinji vakatenda maari.

Verenga chikamu Johani 8