Nezvo vamwe vanhu vokuJerusaremu vakati, “Haasi iye munhu wavari kuda kuuraya here uyu. Hoyu ari kutaura pachena chena; asi hapana chavari kutaura kwaari, zvinoreva here kuti vakuru vakuru vava kunyatsoziva kuti uyu ndiye Mesia. Kunobva munhu uyu tinokuzivaka isu asi kana Mesia ouya hapana anoziva kwaanobva.”
Naizvozvo Jesu akadaidzira achidzidzisa muTemberi achiti,
“Heya munotondiziva
nokwandinobva kwose nhai?
Asi ini handina kungouya zvomusoro wangu
ndakatotumwa nouyo ari pachokwadi
wamusingazivi imi.
Ini ndinomuziva nokuti ndinobva kwaari,
uyewo ndiye akandituma.”
Naizvozvo vakada kumusunga. Asi hapana akambomubata nokuti nguva yake yakanga isati yasvika. Zvakadaro zvazvo vanhu vazhinji vakatenda maari vachiti, “Ko iye Kristu kana azouya, achaita zviratidzo zvakawanda kupfuura zvakaitwa nomunhu uyu here?”
VaFarisei vakanzwa zevezeve raiitwa navanhu nezvake. Naizvozvo vapristi vakuru navaFarisei, vakatuma mapurisa apaTemberi kundomusunga. Jesu akati,
“Ndichangova nemi kwekanguva kadiki;
ndozodzokera kune wakandituma.
Muchanditsvaka asi hamundiwani
uye kwandinenge ndiri hamukwanisi kuuyako.”
VaJudha vakataurirana vachiti, “Ko munhu uyu ari kuda kuenda kupiko, kwatisingakwanisi kumuwana? Arikuda kuenda kuvaJudha vakapararira kuvaGiriki achindodzidzisa vaGiriki here? Ko anoreveiko kana achiti,
“ ‘Muchanditsvaka asi hamundiwani
uye kwandinenge ndaenda imi hamukwanisi kuuyako.’ ”
Pazuva rokupedzisa ramazuva makuru aya zuva racho rakanga riri guru kupinda ose zvawo Jesu akasimuka akaparidza achiti,
“Aninani ane nyota
ngaauye kwandiri anwe.
Aninani anodavira mandiri,
sokutaura kunoita Magwaro Matsvene
mumwoyo make muchaerera nzizi dzemvura youpenyu.”
Izvozvo aitaura nezvaMweya aizogamuchirwa navanotenda maari nokuti Mweya akanga asati apiwa kuvanhu nokuti Jesu akanga asati awaniswa mbiri yake.
Vamwe vanhu vaiva mugungano iroro, pavakanzwa mazwi aya vakati, “Uyu ndiye chaiye muporofita uya.” Vamwewo vakati, “Uyu ndiye Mesia uyu.” Vamwe vakatiwo, “Mesia anofanira kubva kuGarirea here? Handiti Magwaro Matsvene anoti, ‘Mesia anofanira kuva chizvarwa chaDhavhidhi uye kuti anobva kuBheterehemu, musha waigara Dhavhidhi.’ ” Saizvozvo pakava nokutsaukana mukati mavanhu pamusana pake. Vamwe vaitoda kumusunga asi hapana kana neakambomubata zvake.
Mapurisa aya akadzokera kuvapristi vakuru navaFarisei avo vakavati, “Sei musina kuuya naye?” Mapurisa akati, “Hapana munhu ati ambotaura somunhu uyu.” VaFarisei vakapindura vachiti, “Nemiwo marasiswa nhai? Pane mumwe wavakuru–vakuru kana mumwe wavaFarisei akatenda maari here kusiya vanamunhuwo zvavo ava vasingazivi mutemo uye vane rushambwa ava?” Nikodhimasi, uya akamboenda kwaari aiva mumwe wavo akati kwavari. “Zviya, handiti mutemo wedu haupe munhu mhosva asina kutanga ambonzwika uye kuziva zvaanoita?” Ivo vakapindura vachiti, “Asi newewo unobva kuGarirea su? Tsvagaka uone zvako kuti hakuna muporofita anobva kuGarirea.”