Mushure maizvozvi, Jesu aingotenderera ari muGarirea asingadi kuenda kuJudhea nokuti vaJudha vaida kumuuraya. Izvozvo, mazuva makuru avaJudha amatumba akanga ava pedyo. Naizvozvo vakomanavanun'una vake vakati kwaari, “Dai mabva kuno muende kuJudhea kuti vadzidzi venyu vaone mabasa amuri kuita. Nokuti hapana munhu anoita zvomuchivande kana achida kunyatsozivikanwa. Kana muchitoita mabasa akadai zviratidzei kunyika. Asi ivowo, vakoma navanun'una vake vakanga vasingatendi maari.” Jesu akavati, “Nguva yangu haisati yasvika asi kwamuri chero nguva inguva kwayo. Imi nyika haikuvengei asi ini inondivenga nokuti ndinoidurira kuti zvainoita zvakaipa. Imimi endai zvenyu kumazuva makuru iwayo ini handisati ndoenda kumazuva makuru iwaya nokuti nguva yangu haisati yanyatsokwana.” Akataura izvi ndokubva asara zvake kuGarirea. Vakoma navanun'una vake pavakaenda kumazuva makuru aya iye akazoenda zvechiverevere, zvisingaonekwi navanhu. VaJudha vakanga vachimutsvaka pamazuva makuru iwayo vachiti, “Ko ari kupiko?” Pakanga pachiitwa chizevezeve kwazvo nezvake mukati mavanhu. Vamwe vaiti, “Munhu wakanaka;” vamwewo vachiti, “Kwete, ari kurasisa vanhu kusiri iko.” Asi pamusana pokutya vaJudha hapana aitaura pachena nezvake. Pava pakati pamazuva makuru iwayo Jesu akaenda muTemberi akatangisa kudzidzisa. VaJudha vakashamiswa nazvo vachiti, “Ko munhu uyu akawanepiko ruzivo rwaanarwo iye asina kudzidza?” Jesu akapindura achiti, “Zvandinokudzidzisai hazvisi zvomusoro wangu asi zvinobva kunaiye akandituma. Kana munhu ane chido chokuita zvinoda Mwari anobva aziva kuti rudzidziso urwu runobva kuna Mwari here, kana kuti ndiri kutaura zvomusoro wangu. Kana munhu achitaura zvomusoro wake anotsvaka mbiri yake asi munhu anotsvaka mbiri youyo anenge amutuma ari pachokwadi uye maari hamuna unyengedzi. Mosesi akakupai Mutemo handiti? Asi hapana kana mumwe anochengeta mutemo iwoyo. Munoda kundiurairei?” Vanhu vakamupindura vachiti, “Une mweya wakaipa iwe! Ndiani arikuda kukuuraya?” Jesu akavapindurawo achiti, “Ndakangoita chiitiko chimwechete mose mukabva mashamiswa. Mosesi akakutii muite dzingiso (zvisingarevi zvazvo kuti zvakabva kuna Mosesi asi kumadzitateguru enyu) asi imi munodzingisa munhu nezuva resabata. Kana muchidzingisa munhu nezuva reSabata muchiitira kuti mutemo waMosesi urege kutyorwa. Ko zvino munoshatirirwei kana ndakaporesa munhu zvokupedzeredza pamusi weSabata? Musatonge chinhu nezvamunoona kunze kwacho tongai nemwero kwawo wokutonga.” Nezvo vamwe vanhu vokuJerusaremu vakati, “Haasi iye munhu wavari kuda kuuraya here uyu. Hoyu ari kutaura pachena chena; asi hapana chavari kutaura kwaari, zvinoreva here kuti vakuru vakuru vava kunyatsoziva kuti uyu ndiye Mesia. Kunobva munhu uyu tinokuzivaka isu asi kana Mesia ouya hapana anoziva kwaanobva.” Naizvozvo Jesu akadaidzira achidzidzisa muTemberi achiti, “Heya munotondiziva nokwandinobva kwose nhai? Asi ini handina kungouya zvomusoro wangu ndakatotumwa nouyo ari pachokwadi wamusingazivi imi. Ini ndinomuziva nokuti ndinobva kwaari, uyewo ndiye akandituma.” Naizvozvo vakada kumusunga. Asi hapana akambomubata nokuti nguva yake yakanga isati yasvika. Zvakadaro zvazvo vanhu vazhinji vakatenda maari vachiti, “Ko iye Kristu kana azouya, achaita zviratidzo zvakawanda kupfuura zvakaitwa nomunhu uyu here?” VaFarisei vakanzwa zevezeve raiitwa navanhu nezvake. Naizvozvo vapristi vakuru navaFarisei, vakatuma mapurisa apaTemberi kundomusunga.
Verenga chikamu Johani 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 7:1-32
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo