Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 6:35-69

Johani 6:35-69 SCLB

Jesu akati kwavari, “Ini ndini chingwa choupenyu; anouya kwandiri haaiti nzara uye anotenda mandiri haambofa akanzwa nyota. Asi imi, sezvandambokuudzai munondiona zvenyu asi hamutendi. Chose chandinopiwa naBaba chinouya kwandiri uye anenge auya kwandiri handimurasiri kunze. Nokuti ndakauya ndichibva kudenga kwete kuzoita kuda kwangu asi kuda kwewakandituma. Kuda kwewakandituma ndokuku kwokuti handifaniri kurasikirwa nechose zvacho chaanenge andipa asi kutochimutsa pazuva remhedziso. Uku ndiko kuda kwababa vangu kokuti wose anoona mwanakomana achitenda maari awane upenyu husingaperi uye ndichamumutsa nezuva remhedziso.” VaJudha vakabva vamunyunyutira nokuti akati, “Ndini chingwa chakabva kudenga.” Vakati, “Uyu handiye here Jesu Mwanakomana waJosefi watinoziva baba naamai vake. Zvino angagoti sei ndakaburuka kudenga.” Jesu akavapindura achiti, “Musanyunyute pakati penyu. “Hapana angauye kwandiri kana Baba vakandituma vasina kutomukweva. Iniwo ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira. Zvakanyorwa muvaporofita kuti, ‘Vose vachadzidziswa naMwari. Munhu wose anoteerera Baba nokudzidza kwavari anouya kwandiri.’ Hazvirevi kuti pana akamboona Baba kusiya iye akabva kuna Mwari ndiye akaona Baba. Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri anotenda anoupenyu husingaperi. Ndini chingwa choupenyu. Madzitateguru enyu akadya mana murenje asi vakafa. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chokuti anenge achidya haazofa. Ini ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Munhu wose anodya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa chandichapa kuti chive upenyu hwapasi pose, inyama yangu pachangu.” VaJudha vakaitirana nharo pachavo vachiti, “Munhu uyu angatipe sei nyama yake kuti tidye?” Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake hamuna upenyu mamuri. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ano upenyu husingaperi uye ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira. Nokuti nyama yangu kudya chaiko uye ropa rangu kunwa chaiko. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri neniwo maari. Sokutumwa kwandakaitwa naBaba vapenyu uye kuti ndinoraramiswa naBaba ndizvozvowo zvinoita vanondidya vachararamiswa neni. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chisina kufanana nechakadyiwa, namadzitateguru enyu vakafa. Anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Izvi akazvitaura musinagogu paaidzidzisa kuKaperinaumu. Vamwe vadzidzi vake vazhinji pavakazvinzwa vakati, “Zviri kutaurwa izvi zvakaoma, ndiani angateerera zvakadai.” Asi Jesu paakazviziva nechomumwoyo kuti vadzidzi vake vari kunyunyuta nazvo, akati kwavari, “Zvakugumburai here izvi? Ko maiita sei dai kuri kuti munotoona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva kare. “Mweya ndiwo anopa upenyu; nyama haina maturo. Mazwi andataura kwamuri, mweya noupenyu. “Asi pane vamwe venyu vasingadaviri. Chaimupa kudaro ndechokuti Jesu aiziva kubvira pokutanga kuti ndavanani vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomupandukira.” Akatizve ndokusaka ndakutaurirai kuti, “Hapana angauye kwandiri kana asina kuzvipiwa naBaba.” Mushure maizvozvo vazhinji vavadzidzi vake vakamusiya vakasazofambazve naye. Jesu akati kune vanegumi navaviri vaya, “Kana imi mava kudawo kuenda here?” Simoni Pita akamupindura achiti, “Tenzi tingaende kuna aniko, imi ndimi muna mazwi oupenyu husingaperi. Takadavira uye tinoziva kuti imi ndimi Mutsvene waMwari.”

Verenga chikamu Johani 6