Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 6:1-71

Johani 6:1-71 SCLB

Mushure maizvozvo Jesu akaenda kumhiri kwegungwa reGarirea kana kuti gungwa reTibheriasi. Gurumwandira ravanhu rakamutevera nokuti vakanga vaona zviratidzo zvaakaita pavarwere. Jesu akakwira mugomo ndokugara pasi navadzidzi vake. Izvozvo mazuva makuru avaJudha ePasika akanga ava pedyo. Jesu paakasimudza musoro akaona manyoramanyore avanhu achiuya kwaari. Akati kuna Firipi, “Tichatenga kupi chingwa chokuti vanhu ava vadye.” Izvi akataura kuri kumuedza zvake. Nokuti iye aiziva zvaaizoita. Firipi akamupindura achiti, “Mazana maviri emari yemadhenari haigoni kutenga chingwa chinokwana kuti mumwe nomumwe awane kachidimbu.” Mumwe wavadzidzi vake ainzi Andireya, munun'una waSimoni Pita akati kwaari, “Pane mukomana ari pano ane zvingwa zvishanu zvebhari nehove mbiri asi zvingabatsirei panavanhu vakawanda kudai.” Jesu akati itii vanhu vagare pasi. Ipapo pakanga paine uswa hwakawanda. Varume vakagara pasi vainge zviuru zvishanu. Jesu ndokutora zvingwa zviya otenda Mwari ndokuzvigovera kuvanhu vakanga vakagara pasi. Akaita zvimwechetezvo nehove dziya. Akavapa pamadiro avo. Pavakanga vaguta akati vadzidzi vake vaunganidze zvimedu zvakasara kuitira kuti pashaye nechinoraswa. Saizvozvo vakazviunganidza vakazadza tswanda gumi nembiri nezvimedu zvezvingwa zvebhari zvishanu zvakasiiwa navakadya vaya. Vanhu pavakaona chiratidzo chaakanga aita, vakati chokwadi uyu ndiye muporofita uya ainzi ari kuuya pasi pano. Zvino Jesu paakazviona kuti vakanga vavakuuya kuzomumanikidza kumuita mambo, Jesu akabva abvazve pavari akaenda kumakomo ari oga zvake pachake. Ava madeko, vadzidzi vake vakadzika kugungwa vakapinda mugwa vakatangisa kuyambuka gungwa vachienda kuKapenaumu. Izvozvo kwakanga kwasviba. Uye Jesu akanga asati auya kwavari. Gungwa rakanyanduka nokuda kwemhepo yaivhuvhuta nesimba. Vadzidzi pavakanga vakwasva kwamakiromita mashanu kana kuti matanhatu vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa achiuya pedyo negwa. Vakabva vabatwa nokutya. Asi iye akati kwavari, “Ndini, musatye zvenyu.” Naizvozvo vakabva vafara kumugachira mugwa. Pakarepo igwa rakabva rasvika kumahombekombe ekwavaienda. Ramangwana racho, vanhu vaya vakasara kumhiri kwegungwa, vakazviona kuti pakanga pane igwa rimwechete chete ipapo. Uye kuti Jesu haana kunge apinda muigwa iroro pamwechete navadzidzi vake asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga. Asi pane magwa akabva kuTibheriasi akasvikawo pedyo nenzvimbo yavakadya chingwa chiya mushure mokunge Tenzi ambotenda. Zvino vanhu pavakaona kuti Jesu akanga asipo pamwechete navadzidzi vake, ivo pachavo vakapinda mumagwa aye vakaenda kuKapenaumu kundotsvaka Jesu. Pavakamuwana kumhiri kuya kweGungwa, vakati kwaari, “Rabhi makauya kuno riniko?” Jesu akavapindura achiti, “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri hamusi kunditsvaka nokuti makaona zviratidzo asi nokuti makadya zvingwa mukaguta. Musashandire chokudya chinopera asi chokudya chinogara kusvikira kuupenyu husingaperi chamunopiwa noMwanakomana womunhu, nokuti Mwari Baba vakaisa rupawo rwavo paari.” Ivo ndokuti kwaari, “Chii chatingaite kuti tishande mabasa aMwari?” Jesu akavapindura achiti, “Basa raMwari nderiri rokuti: Imi munofanira kutenda muna iye waakatuma.” Saka vakati kwaari, “Ko zvino iwe chiratidzoi chaungaite kuti tione tigotenda mauri; chii chaungaite? Madzibaba edu vakadya mana murenje sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.” Jesu akati kwavari: “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, haasi Mosesi akakupai chingwa chinobva kudenga. Baba vangu ndivo vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndechiya chinobva kudenga uye chinopa upenyu kunyika.” Vakati kwaari, “Tenzi tipei chingwa ichocho nguva dzose.” Jesu akati kwavari, “Ini ndini chingwa choupenyu; anouya kwandiri haaiti nzara uye anotenda mandiri haambofa akanzwa nyota. Asi imi, sezvandambokuudzai munondiona zvenyu asi hamutendi. Chose chandinopiwa naBaba chinouya kwandiri uye anenge auya kwandiri handimurasiri kunze. Nokuti ndakauya ndichibva kudenga kwete kuzoita kuda kwangu asi kuda kwewakandituma. Kuda kwewakandituma ndokuku kwokuti handifaniri kurasikirwa nechose zvacho chaanenge andipa asi kutochimutsa pazuva remhedziso. Uku ndiko kuda kwababa vangu kokuti wose anoona mwanakomana achitenda maari awane upenyu husingaperi uye ndichamumutsa nezuva remhedziso.” VaJudha vakabva vamunyunyutira nokuti akati, “Ndini chingwa chakabva kudenga.” Vakati, “Uyu handiye here Jesu Mwanakomana waJosefi watinoziva baba naamai vake. Zvino angagoti sei ndakaburuka kudenga.” Jesu akavapindura achiti, “Musanyunyute pakati penyu. “Hapana angauye kwandiri kana Baba vakandituma vasina kutomukweva. Iniwo ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira. Zvakanyorwa muvaporofita kuti, ‘Vose vachadzidziswa naMwari. Munhu wose anoteerera Baba nokudzidza kwavari anouya kwandiri.’ Hazvirevi kuti pana akamboona Baba kusiya iye akabva kuna Mwari ndiye akaona Baba. Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri anotenda anoupenyu husingaperi. Ndini chingwa choupenyu. Madzitateguru enyu akadya mana murenje asi vakafa. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chokuti anenge achidya haazofa. Ini ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Munhu wose anodya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa chandichapa kuti chive upenyu hwapasi pose, inyama yangu pachangu.” VaJudha vakaitirana nharo pachavo vachiti, “Munhu uyu angatipe sei nyama yake kuti tidye?” Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake hamuna upenyu mamuri. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ano upenyu husingaperi uye ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira. Nokuti nyama yangu kudya chaiko uye ropa rangu kunwa chaiko. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri neniwo maari. Sokutumwa kwandakaitwa naBaba vapenyu uye kuti ndinoraramiswa naBaba ndizvozvowo zvinoita vanondidya vachararamiswa neni. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chisina kufanana nechakadyiwa, namadzitateguru enyu vakafa. Anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Izvi akazvitaura musinagogu paaidzidzisa kuKaperinaumu. Vamwe vadzidzi vake vazhinji pavakazvinzwa vakati, “Zviri kutaurwa izvi zvakaoma, ndiani angateerera zvakadai.” Asi Jesu paakazviziva nechomumwoyo kuti vadzidzi vake vari kunyunyuta nazvo, akati kwavari, “Zvakugumburai here izvi? Ko maiita sei dai kuri kuti munotoona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva kare. “Mweya ndiwo anopa upenyu; nyama haina maturo. Mazwi andataura kwamuri, mweya noupenyu. “Asi pane vamwe venyu vasingadaviri. Chaimupa kudaro ndechokuti Jesu aiziva kubvira pokutanga kuti ndavanani vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomupandukira.” Akatizve ndokusaka ndakutaurirai kuti, “Hapana angauye kwandiri kana asina kuzvipiwa naBaba.” Mushure maizvozvo vazhinji vavadzidzi vake vakamusiya vakasazofambazve naye. Jesu akati kune vanegumi navaviri vaya, “Kana imi mava kudawo kuenda here?” Simoni Pita akamupindura achiti, “Tenzi tingaende kuna aniko, imi ndimi muna mazwi oupenyu husingaperi. Takadavira uye tinoziva kuti imi ndimi Mutsvene waMwari.” Jesu akapindura achiti, “Ndakakusarudzai muri gumi navairi handiti? Asi mumwe wenyu ndiDhiabhori.” Aitaura nezvaJudhasi mwana waSimoni Isikarioti. Nokuti iyeyu, mumwe chaiye wavanegumi navaviri ndiye aizomutengesa.

Verenga chikamu Johani 6