Mushure maizvozvo Jesu akaenda kumhiri kwegungwa reGarirea kana kuti gungwa reTibheriasi. Gurumwandira ravanhu rakamutevera nokuti vakanga vaona zviratidzo zvaakaita pavarwere. Jesu akakwira mugomo ndokugara pasi navadzidzi vake. Izvozvo mazuva makuru avaJudha ePasika akanga ava pedyo. Jesu paakasimudza musoro akaona manyoramanyore avanhu achiuya kwaari. Akati kuna Firipi, “Tichatenga kupi chingwa chokuti vanhu ava vadye.” Izvi akataura kuri kumuedza zvake. Nokuti iye aiziva zvaaizoita. Firipi akamupindura achiti, “Mazana maviri emari yemadhenari haigoni kutenga chingwa chinokwana kuti mumwe nomumwe awane kachidimbu.” Mumwe wavadzidzi vake ainzi Andireya, munun'una waSimoni Pita akati kwaari, “Pane mukomana ari pano ane zvingwa zvishanu zvebhari nehove mbiri asi zvingabatsirei panavanhu vakawanda kudai.” Jesu akati itii vanhu vagare pasi. Ipapo pakanga paine uswa hwakawanda. Varume vakagara pasi vainge zviuru zvishanu. Jesu ndokutora zvingwa zviya otenda Mwari ndokuzvigovera kuvanhu vakanga vakagara pasi. Akaita zvimwechetezvo nehove dziya. Akavapa pamadiro avo. Pavakanga vaguta akati vadzidzi vake vaunganidze zvimedu zvakasara kuitira kuti pashaye nechinoraswa. Saizvozvo vakazviunganidza vakazadza tswanda gumi nembiri nezvimedu zvezvingwa zvebhari zvishanu zvakasiiwa navakadya vaya. Vanhu pavakaona chiratidzo chaakanga aita, vakati chokwadi uyu ndiye muporofita uya ainzi ari kuuya pasi pano. Zvino Jesu paakazviona kuti vakanga vavakuuya kuzomumanikidza kumuita mambo, Jesu akabva abvazve pavari akaenda kumakomo ari oga zvake pachake. Ava madeko, vadzidzi vake vakadzika kugungwa vakapinda mugwa vakatangisa kuyambuka gungwa vachienda kuKapenaumu. Izvozvo kwakanga kwasviba. Uye Jesu akanga asati auya kwavari. Gungwa rakanyanduka nokuda kwemhepo yaivhuvhuta nesimba. Vadzidzi pavakanga vakwasva kwamakiromita mashanu kana kuti matanhatu vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa achiuya pedyo negwa. Vakabva vabatwa nokutya. Asi iye akati kwavari, “Ndini, musatye zvenyu.” Naizvozvo vakabva vafara kumugachira mugwa. Pakarepo igwa rakabva rasvika kumahombekombe ekwavaienda.
Verenga chikamu Johani 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 6:1-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo