Zvirokwazvo Zvirokwazvo ndinoti kwamuri anonzwa izwi rangu uye achitenda akandituma anoupenyu husingaperi haagadzwi dare; asi atobva kurufu achienda kuupenyu. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri nguva iri kuuya uye yatosvika yokuti vakafa vanzwe izwi roMwanakomana waMwari. Avo vacharinzwa vachava vapenyu. Sezvo Baba vari dzinde roupenyu saizvozvo vakaitawo kuti Mwanakomana ave nedzinde roupenyu maari, vakamupa ukuru kuti atonge nokuti ndiye Mwanakomana womunhu. Musashamisike nezvizvi zvokuti nguva iri kuuya yokuti vose vari mumakuva vachanzwa izwi rake vagobudamo. Vakaita zvakarurama vachimukira upenyu, vanenge vakaita zvakaipa vachimukira kutongwa. Hapana chandinogona kuita nokwangu ndoga. Sokunzwa kwandinenge ndaita kuna Baba ndiwo matongero andinoita; uye kutonga kwangu kwakarurama nokuti handitsvaki kuita kuda kwangu, asi kuda kwaiye akandituma.
Verenga chikamu Johani 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 5:24-30
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo