Akaendazve kuKana yokuGarirea kwaakanga asandura mvura ikava waini. KuKapenaumu kwaiva negurukota rairwarirwa nomwana mukomana. Murume uyu paakanzwa kuti Jesu akanga auya kuGarirea achibva kuJudhea akaenda akandomukumbira kuti auye azoporesa mwanakomana wake nokuti akanga avapedyo nokufa. Saizvozvo akati kwaari, “Kana musina kuona zviratidzo nezvishamiso hamutendi.” Gurukota riya rakati kwaari, “Changamire uyai mwana wangu asati afa.” Jesu akati, “Chiendai zvenyu mwana wenyu achararama.” Murume uya akadavira zvaakaudzwa naJesu akabva aenda. Paakanga avakudzika vashandi vake vakasangana naye vakamuudza kuti, “Mwana wake akanga ararama.” Naizvozvo akabvunza nguva yaakatangisa kuita zvakanaka. Vakati kwaari, “Denda rakamusiya nezuro panguva dzahwani masikati.” Baba ava vakabva vazviziva kuti ndiyo nguva iya Jesu yaakataura kuti Mwana wenyu achararama. Naizvozvo iye pamwechete nevemhuri yake yose, akatenda. Ichi ndicho chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu paakabva kuJudhea achiuya kuGarirea.
Verenga chikamu Johani 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 4:46-54
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo