Jesu akamuti, “Enda undodana murume wako uuye kuno.” Mukadzi akamupindura achiti, “Handina murume ini.” Jesu akati kwaari, “Wataura zvakanaka kuti, ‘Handina murume,’ nokuti wakamboita varume vashanu uye wauinaye zvino haasi murume wako. Apo wataura chokwadi. Mukadzi ndokuti kwaari, ‘Changamire ndaona kuti muri muporofita.’ Madzitateguru edu akanamata pagomo rino iri asi imi munoti: ‘MuJerusaremu ndimo munzvimbo munofanira kunamatirwa vanhu vari.’ ” Jesu akati kwaari, “Mukadzi iwe tenda zvandiri kutaura, nguva iri kuuya yamusingazonamati Baba mugomo rino iri kana muJerusaremu. Imi munonamata chamusingazivi. Asi isu tinonamata chatinoziva nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. Asi nguva iri kuuya uye yatosvika ichanamatwa Baba navanamati vechokwadi vanomunamata muMweya nomuchokwadi nokuti Baba vanotsvaka vakadai kuti vavanamate. Mwari mweya; saizvozvo, vanomunamata vanofanira kumunamata muMweya nomuchokwadi.”
Verenga chikamu Johani 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 4:16-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo