Mushure maizvozvi Jesu navadzidzi vake vakaenda kunyika yeJudhea. Akambogarako navo achiombeka. Johani aiombekawo ari kuAinoni pedyo neSarimu nokuti ikoko kwaiva nemvura zhinji. Vanhu vaiuya vachiombekwa. Izvozvi Johani akanga asati aiswa mujeri. Pakamuka nharo pakati pavadzidzi vaJohani nomumwe muJudha pamusoro pezvokuchenurwa. Vakauya kuna Johani vakati, “Rabhi munhu uya wamaiva naye kumhiri kwaJorodhani wamakapupurira uya hoyo wavakuombeka, vanhu vose vavakuenda kwaari.” Johani akapindura achiti, “Hakuna munhu angawane chinhu kusiya chaanenge atopiwa chichitobva kudenga. “Imi pachenyu mungatondipupurirawo kuti ndakati: handisini iye Kristu asi ndakatumwa kufanouya mberi kwake. “Mwenga achichata ndewemuwani. Shamwari yomuwani inomira ichiteerera achitaura; inofara zvikuru kunzwa izwi romuwani. Saizvozvo rufaro rwanguwo rwazara kuti tuba. Iye anofanira kukwirira ini ndinofanira kuderera. “Iye anobva kumusoro ari pamusoro pavose. Wapanyika ndewapanyika uye anotaura nezvapanyika; uyo anobva kudenga ari pamusoro pavose. Zvaakaona nezvaakanzwa ndizvo zvaanopupura asi uchapupu hwake ihwohwo hauna anohugamuchira. Munhu anogamuchira uchapupu hwake ihwohwo anotsinhira kuti, Mwari ari pachokwadi. Nokuti akatumwa naMwari anotaura mazwi aMwari nokuti Mwari haana kumupa Mweya achiita zvokuera. Baba vanoda Mwanakomana uye vakaisa zvinhu zvose mumaoko ake. Anotenda muna Mwanakomana anoupenyu husingaperi uyo asingateereri Mwanakomana haamboona upenyu asi hasha dzaMwari dzichanangana naye.”
Verenga chikamu Johani 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 3:22-36
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo