Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 3:1-8

Johani 3:1-8 SCLB

Kwaiva nomumwe munhu webato ravaFarisei ainzi Nikodhimasi, mumwe wedare ravaJudha. Murume uyu akauya kuna Jesu nousiku akati kwaari, “Rabhi tinoziva kuti muri mudzidzisi wakabva kuna Mwari nokuti hakuna anogona kuita zviratidzo zvamunoita kunze kwokuti Mwari ainaye.” Jesu akamuti, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri, ‘Kana munhu asina kuzvarwa patsva haangaoni umambo hwaMwari.’ ” Nikodhimasi akati kwaari, “Ko iye munhu angazvarwe sei iye avamukuru, anogona here kupinda kechipiri munhumbu maamai vake achizozvarwa?” Jesu akapindura achiti, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri, ‘Kana munhu akasazvarwa nemvura naMweya haangapindi muumambo hwaMwari. Chinenge chazvarwa nenyama inyama chinenge chazvarwa naMweya mweya usashamisike nezvandati unofanira kuzvarwa patsva. Mhepo inovhuvhuta kwainoda, unonzwa kuvhuvhuta kwayo asi hauzivi kwainobva kana kwainoenda. Ndizvo zvimwechetezvo nomunhu wose anoberekwa naMweya.’ ”

Verenga chikamu Johani 3

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neJohani 3:1-8