Kwaiva nomumwe munhu webato ravaFarisei ainzi Nikodhimasi, mumwe wedare ravaJudha. Murume uyu akauya kuna Jesu nousiku akati kwaari, “Rabhi tinoziva kuti muri mudzidzisi wakabva kuna Mwari nokuti hakuna anogona kuita zviratidzo zvamunoita kunze kwokuti Mwari ainaye.” Jesu akamuti, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri, ‘Kana munhu asina kuzvarwa patsva haangaoni umambo hwaMwari.’ ” Nikodhimasi akati kwaari, “Ko iye munhu angazvarwe sei iye avamukuru, anogona here kupinda kechipiri munhumbu maamai vake achizozvarwa?” Jesu akapindura achiti, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri, ‘Kana munhu akasazvarwa nemvura naMweya haangapindi muumambo hwaMwari. Chinenge chazvarwa nenyama inyama chinenge chazvarwa naMweya mweya usashamisike nezvandati unofanira kuzvarwa patsva. Mhepo inovhuvhuta kwainoda, unonzwa kuvhuvhuta kwayo asi hauzivi kwainobva kana kwainoenda. Ndizvo zvimwechetezvo nomunhu wose anoberekwa naMweya.’ ” Nikodhimasi akamupindura achiti, “Izvi zvingaitike sei?” Jesu akamupindurawo achiti, “Iwe uri mudzidzisi weIsiraeri kudai haunzwisisi zvinhu izvi sei? Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwauri tinotaura zvatinoziva uye tinopupura zvatakaona asi hamugamuchiri uchapupu hwedu. Kana ndikakutaurira nezvepasi hamutendi mungatende sei kana ndikataura nezvokudenga. Hapana akambokwira kudenga kusiya iye akaburuka achibva kudenga, mwanakomana womunhu.” Sokusimudzira nyoka mudenga kwakaita Mosesi murenje saizvozvo Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwawo, kuti munhu wose anotenda maari awane upenyu husingaperi. Mwari akada pasi zvikuru zvokuti akapa Mwanakomana wake mumwechete kuti munhu wose anotenda maari arege kufa, asi kuti awane upenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake pasi kuzopa pasi mhosva asi kuti pasi paponeswe naye. Anotenda maari haapihwi mhosva asi asingatendi maari atova nemhosva nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwechete oga waMwari. Mhosva yacho ndeyiyi yokuti chiedza chakauya pasi pano asi vanhu vakada rima panze pokuda chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa. Nokuti munhu wose anoita zvakaipa anovenga chiedza uye haauye kuchiedza kuitira kuti mabasa ake arege kuburitswa pachena. Asi anoita zvechokwadi anouya kuchiedza kuti zvionekwe pachena kuti mabasa ake akaitwa muna Mwari. Mushure maizvozvi Jesu navadzidzi vake vakaenda kunyika yeJudhea. Akambogarako navo achiombeka. Johani aiombekawo ari kuAinoni pedyo neSarimu nokuti ikoko kwaiva nemvura zhinji. Vanhu vaiuya vachiombekwa. Izvozvi Johani akanga asati aiswa mujeri. Pakamuka nharo pakati pavadzidzi vaJohani nomumwe muJudha pamusoro pezvokuchenurwa. Vakauya kuna Johani vakati, “Rabhi munhu uya wamaiva naye kumhiri kwaJorodhani wamakapupurira uya hoyo wavakuombeka, vanhu vose vavakuenda kwaari.” Johani akapindura achiti, “Hakuna munhu angawane chinhu kusiya chaanenge atopiwa chichitobva kudenga. “Imi pachenyu mungatondipupurirawo kuti ndakati: handisini iye Kristu asi ndakatumwa kufanouya mberi kwake. “Mwenga achichata ndewemuwani. Shamwari yomuwani inomira ichiteerera achitaura; inofara zvikuru kunzwa izwi romuwani. Saizvozvo rufaro rwanguwo rwazara kuti tuba. Iye anofanira kukwirira ini ndinofanira kuderera. “Iye anobva kumusoro ari pamusoro pavose. Wapanyika ndewapanyika uye anotaura nezvapanyika; uyo anobva kudenga ari pamusoro pavose.
Verenga chikamu Johani 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 3:1-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo