Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 20:19-23

Johani 20:19-23 SCLB

Manheru ezuva rakarero, zuva rokutanga revhiki Jesu akauya mumba maiva navadzidzi; izvozvo makonhi amavakanga vari akanga akaiswa zvihuri pamusana pokutya vaJudha. Akasvikomira pakati pavo akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi.” Paakataura izvi akavaratidza maoko ake naparutivi pake. Vadzidzi vakabva vafara pavakaona Tenzi. Jesu akavatizve, “Rugare ngaruve nemi! Sokundituma kwakaita Baba neni ndinokutumaiwo saizvozvo.” Paakapedza kutaura izvi, akafemera pavari akati kwavari, “Gamuchirai Mweya Mutsvene. Kana mukaregerera vanhu zvitadzo zvavo, zvinobva zvaregererwa. Kana mukaramba kuvaregerera havaregererwi.”

Verenga chikamu Johani 20