Pazuva retatu kwakava nomuchato kuKana yokuGarirea. Amai vaJesu vakanga variko. Jesu akakokwawo kumuchato iwoyo pamwechete navadzidzi vake. Waini payakapera, amai vaJesu vakati kwaari, “Vanhu vapererwa newaini.” Jesu akati kwavari, “Nhai amai, ko isu tinei nazvo, nguva yangu haisati yasvika.” Amai vake vakati kuvashandi, “Itai zvose zvaanenge akutaurirai.” Zvino ipapo pakanga paina mazigate matanhatu amabwe maererano netsika yavaJudha yokuzvichenura. Rimwe nerimwe rawo raiita marita makumi manomwe anamashanu kusvika kuzana ramarita rina marita gumi namashanu. Jesu akati kwavari, “Zadzai makate aya nemvura.” Ivo vakaazadza kuti tuba. Akazovati, “Zvino chicherai imwe muendese kuna samukuru womuchato.” Saizvozvo vakaenda nayo. Samukuru uya paakaravira, mvura iya yakanga yatova waini asi iye akanga asingazivi kwayakanga yabva. Asi Vashandi vaya vakanga vachera mvura ndivo vaizviziva. Samukuru womuchato akadaidza muwani akati kwaari, “Vanhu vose vanotanga vapa vanhu waini yakanaka. Kana vachinge vanyatsonwa zvavo ndokwakuzovapa isina kunaka asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira iye zvino.” Ichi ndicho chiratidzo chaJesu chokutanga chaakaita kuratidza mbiri yake. Achiita ari kuKana yokuGarirea. Mushure maizvozvi akadzika kuKapenaumu naamai vake navakomanavanun'una vake navadzidzi vake vakagarako kwamazuva mashoma. Pasika yavaJudha zvayakanga yavapedyo, Jesu akakwira kuJerusaremu. Akasvikoona vanhu vachitengesa muTemberi, mombe nehwai nehangaiwa navaiva mushishi yokutengeserana mari. Akaita tyava nemikosi akadzingira vose kunze kweTemberi, pamwechete nehwai nemombe. Akawodzvorera pasi mari chena yavaitengeserana mari nokupidigurira pasi mateburu avo. Akataurira vainge vachitengesa hangaiwa kuti, “Bvisai zvinhu izvi muno. Hamufaniri kuita imba yaBaba vangu musika.” Vadzidzi vake vakayeuka kuti zvakanyorwa kunzi, “Kudisisa kwandinoita imba yenyu kuchandipedza.” VaJudha vakabva vati kwaari, “Tipe chiratidzo chemvumo yezvawaita izvi.” Jesu akavapindura achiti, “Pazai Temberi iyi, ini ndigoivakazve namazuva matatu.” VaJudha ndokuti, “Zvakatora makore makumi mana anamatanhatu kuvaka Temberi iyi iwe ndipo paungaimise namazuva matatu here?” Asi Temberi yaaitaura waiva muviri wake. Saizvozvo paakamutswa muvafi vadzidzi vake vakarangarira kuti akambozvitaura vakatenda chinyorwa nezwi rakanga rataurwa naJesu. Paakanga ari muJerusaremu kumazuva makuru ePasika vazhinji vakatenda muzita rake pavakaona zviratidzo zvaaiita. Asi Jesu haana kuvimba navo nokuti aiziva vanhu vose. Akanga asina chaangaudzwe nomumwe munhu nezvomunhu nokuti iye pachake aiziva zviri mumunhu.
Verenga chikamu Johani 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 2:1-25
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
YouVersion inoshandisa macookies kugadzirisa mashandisiro ako. Nekushandisa webhusaiti yedu, unobvuma kushandisa kwedu macookies sekutsanangurwa kwazvakaitwa mu Mutemo wedu weZvakavanzika
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo