Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 19:23-42

Johani 19:23-42 SCLB

Masoja paakaroverera Jesu pamuchinjikwa, akatora hanzu dzake ndokudzikamura mumigove mina, musoja mumwe nomumwe mugove wake. Ndokusara hanzu yomukati. Hanzu iyoyo yakanga isina musono. Yakanga yakarukwa kubva kumusoro kusvika pasi. Nezvo vakataurirana vachiti, “Ngatiregei kuibvarura asi ngatiitirei chin'ange tione kuti ichava yaani.” Izvi zvakaitika kuti Magwaro Matsvene azadziswe anoti, “Vakagovana hanzu dzangu pakati pavo; zvipfeko zvangu vakazviitira chin'ange.” Saka izvi ndizvo zvakaitwa namasoja. Izvozvo pedyo nomuchinjikwa waJesu Pakanga pamire amai vake nomunun'una waamai vake Maria mudzimai waKiropasi naMaria Magadharena. Jesu paakaona amai vake nomudzidzi wake wapamwoyo akamira pedyo, akati kuna amai vake, “Amai mwana wenyu uyu” Ndokuti kumudzidzi wake, “Amai vako ava.” Kubvira ipapo mudzidzi uya akavatora akavaisa mumusha make. Mushure maizvozvi Jesu paakaona kuti zvose zvazadziswa uye kuti Magwaro Matsvene azadziswe akati, “Ndine nyota.” Ipapo pakanga paine mudziyo uzere waini inovava. Naizvozvo vakaisa chifovefove chizere waini inovava iya pamushenjere vakachiisa pamuromo pake. Jesu paakasveta waini iya inovava akati, “Zvapera.” Akakotamisa musoro ndokubva afa. Zvarakanga riri zuva rokugadzirira Pasika vaJudha vakakumbira Pirato kuti makumbo avo atyorwe uye kuti zvitunha zvibviswe kuti zvitunha zvirege kunge zviri pamuchinjikwa pamusi weSabata nokuti Sabata iroro rakanga riri Sabata guru. Saizvozvo masoja akaenda akatyora makumbo owokutanga neewechipiri weavo vakanga varovererwa pamwechete naye. Asi pavakauya kuna Jesu, vakaona kuti atofa havana kumutyora makumbo. Mumwe musoja akamubaya parutivi pake nepfumo, pakabva pabuda ropa nemvura. Uyo akazviona nameso anopupura; uchapupu hwake ndehwechokwadi. Uye anoziva kuti anotaura chokwadi kuti nemiwo mutendhe nokuti zvinhu izvi zvakaitika kuti chinyorwa chitsvene chizadziswe chinoti, “Hapana bvupa rake richatyorwa.” Uyezve chimwe chinoti, “Vachatarisa uyo wavakabaya.” Mushure maizvozvi Josefi wokuArimatia, mudzidzi waJesu womuchivande pamusana pokutya vaJudha, akakumbira Pirato kuti iye aturure chitunha chaJesu. Pirato akamubvumira. Saizvozvo akauya akaturura mutumbi wake. Nikodhimasi uya akambouya kwaari nousiku akauyawo namafuta anonhuwira emura negavakava zvairema makirogiramu anenge makumi matatu ane mana. Vakatora chitunha chaJesu vakachiputira namachira erineni namafuta aya anonhuwirira vachitevedza tsika yechiJudha yokuviga vanhu. Panzvimbo yaakarovererwa pakanga paine bindu. Mubindu imomo maiva neguva idzva makanga musati mambovigwa munhu. Naizvozvo, zvaraiva zuva ravaJudha rokugadzirira Pasika uye guva iroro zvaraiva riri padyo kudaro vakaradzika Jesu imomo.

Verenga chikamu Johani 19