Zvino varwi vakati varovera Jesu pamuchinjikwa, vakatora nguo dzake, vakaita migove mina, murwi mumwe nomumwe mugove wake; nenguo yapasiwo. Zvino nguo iyi yakanga isina pakasonwa, asi yakanga yakarukwa yose kubva kumusoro kwayo.
Zvino vakataurirana, vachiti, “Ngatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamusoro payo, tione kuti ichava yaani;” kuti Rugwaro ruitike, runoti,
“Vakagovana nguo dzangu pakati pavo,
Vakakanda mijenya pamusoro pechokufuka changu.”
Ndizvo zvakaitwa navarwi.
Zvino pamuchinjikwa waJesu pakanga pamire mai vake, nomunun'una wamai vake, Maria, mukadzi waKiropasi, naMaria Magadharina.
Zvino Jesu akati achiona mai vake, nomudzidzi waaida, amirepo, akati kuna mai vake, “Mai tarirai, mwana wenyu.”
Ipapo akati kumudzidzi, “Tarira mai vako.” Kubva panguva iyo mudzidzi akavatora, akavaisa kumba kwake.
Shure kwaizvozvo, Jesu akati achiziva kuti zvose zvapera, kuti Rugwaro ruitike, akati, “Ndine nyota.”
Pakanga pamirepo hari izere nevhiniga; zvino vakaisa chipanje chizere nevhiniga parutanda rwehisopi, vakaruisa kumuromo wake.
Zvino Jesu akati agamuchira vhiniga, akati, “Zvapera!” Akakotamisa musoro wake, akapa Mwari mweya wake.
Zvino zvawaiva musi woKugadzirira Pasika, vaJudha vakakumbira kuna Pirato kuti makumbo avo avhunwe, vabviswe, kuti mitumbi irege kugara pamuchinjikwa neSabata, nokuti zuva iro reSabata raiva guru. Naizvozvo varwi vakauya, vakavhuna makumbo owokutanga, noomumwe akanga aroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye; asi vakati vachisvika kuna Jesu, vachiona kuti atofa hake, havana kuvhuna makumbo ake, asi mumwe murwi wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo ropa nemvura zvikabuda. Uyo akaona, ndiye akapupura, uye kupupura kwake ndokwechokwadi; iye anoziva kuti anoreva zvechokwadi, kuti nemiwo mutende. Nokuti izvozvo zvakaitwa, kuti Rugwaro ruitike, runoti, “Pfupa rake haringavhunwi.” Norumwe Rugwaro runoti, “Vachatarira uyo wavakabowora.”
Shure kwaizvozvo Josefa weArimatia, aiva mudzidzi waJesu, asi chinyararire nokutya vaJudha, akakumbira kuna Pirato kuti abvise chitunha chaJesu; Pirato akamutendera. Ipapo akauya, akabvisa chitunha chake. NaNikodhimowo, iye akambouya kwaari pakutanga usiku, akauya ane mura nearosi zvakavhenganiswa, mapaundi anenge zana. Ipapo vakatora chitunha chaJesu, vakachiputira nemicheka pamwechete nezvinonhuwira, sezvinoita vaJudha pakuviga kwavo. Panzvimbo iyo, paakaroverwa pamuchinjikwa, pakanga pano munda; mumunda imomo maiva nobwiro hutsva, makanga musina kumboiswa munhu. Zvino vakaisa Jesu ipapo, zvawakanga uri musi woKugadzirira kwavaJudha, (nokuti bwiro hwakanga huri pedyo.)