Ipapo Pirato akamuisa mumaoko avo kuti arovererwe pamuchinjikwa. Saizvozvo vakatora Jesu akabuda akaenda akatakura muchinjikwa wake kunzvimbo inonzi, “Dehenya,” kana kuti, “Gorogota.” MuchiHebheru. Ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa ipapo aina vamwe vaviri vachiti mumwe uku mumwe uku iye ari pakati. Pirato akanyorawo chiga chemhosva yake akachiisa pamuchinjikwa, chakanga chichiti, “JESU WENAZARETI MAMBO WAVAJUDHA.” VaJudha vazhinji vakaverenga chiga chemhosva ichocho nokuti nzvimbo yapakarovererwa Jesu yakanga iri pedyo neguta, uye chakanga chakanyorwa muchiHebheru, nomuchiRatini nomuchiGiriki. Saka vapristi vakuru vavaJudha vakati kuna Pirato, “Regai kunyora muchiti mambo wavaJudha asi kuti iye ndiye akati ndiri mambo wavaJudha.” Pirato akapindura achiti, “Chandanyora ndanyora.” Masoja paakaroverera Jesu pamuchinjikwa, akatora hanzu dzake ndokudzikamura mumigove mina, musoja mumwe nomumwe mugove wake. Ndokusara hanzu yomukati. Hanzu iyoyo yakanga isina musono. Yakanga yakarukwa kubva kumusoro kusvika pasi. Nezvo vakataurirana vachiti, “Ngatiregei kuibvarura asi ngatiitirei chin'ange tione kuti ichava yaani.” Izvi zvakaitika kuti Magwaro Matsvene azadziswe anoti, “Vakagovana hanzu dzangu pakati pavo; zvipfeko zvangu vakazviitira chin'ange.” Saka izvi ndizvo zvakaitwa namasoja. Izvozvo pedyo nomuchinjikwa waJesu Pakanga pamire amai vake nomunun'una waamai vake Maria mudzimai waKiropasi naMaria Magadharena.
Verenga chikamu Johani 19
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 19:16-25
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo