Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 19:16-25

Johani 19:16-25 SNA2002

Ipapo akamuisa kwavari, kuti aroverwe pamuchinjikwa. Zvino vakaenda naJesu; akabuda, achitakura muchinjikwa wake, akaenda kunzvimbo yainzi, “Dehenya,” nechiHebheru ichinzi, “Gorogota,” pavakamurovera pamuchinjikwa, navamwe vaviri naye, mumwe kune rumwe rutivi, mumwe kune rumwe rutivi, Jesu pakati. Pirato akanyorawo rugwaro, pamuchinjikwa; kwakanga kwakanyorwa, kuchinzi, “JESU WENAZARETA, MAMBO WAVAJUDHA.” Zvino vaJudha vazhinji vakarava rugwaro urwo; nokuti nzvimbo iyo pakanga pakaroverwa Jesu pamuchinjikwa, yaiva pedyo neguta; rwakanga rwakanyorwa nechiHebheru, nechiRoma, nechiGiriki. Ipapo vapristi vakuru vavaJudha vakati kuna Pirato, “Musanyora muchiti, ‘Mambo wavaJudha,’ asi kuti, ‘Iye akati, ndiri mambo wavaJudha.’ ” Pirato akapindura, akati, “Zvandanyora, ndanyora.” Zvino varwi vakati varovera Jesu pamuchinjikwa, vakatora nguo dzake, vakaita migove mina, murwi mumwe nomumwe mugove wake; nenguo yapasiwo. Zvino nguo iyi yakanga isina pakasonwa, asi yakanga yakarukwa yose kubva kumusoro kwayo. Zvino vakataurirana, vachiti, “Ngatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamusoro payo, tione kuti ichava yaani;” kuti Rugwaro ruitike, runoti, “Vakagovana nguo dzangu pakati pavo, Vakakanda mijenya pamusoro pechokufuka changu.” Ndizvo zvakaitwa navarwi. Zvino pamuchinjikwa waJesu pakanga pamire mai vake, nomunun'una wamai vake, Maria, mukadzi waKiropasi, naMaria Magadharina.

Verenga chikamu Johani 19