Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 17:20-26

Johani 17:20-26 SCLB

“Handinamatire ava bedzi asi ndinonamatira avo vachatenda mandiri pamusana pezwi ravo. Kuti vose zvavo vave vamwechete sezvakangoita kuti imi Baba muri mandiri ini ndiri mamuri ivowo ngavave matiri kuti pasi padavire kuti imi ndimi makandituma. Mbiri yamakandipa ndakavapawo kuti vave vamwechete sesu tiri vamwechete. Ini ndiri mavari imi muri mandiri vanyatsova vamwechete, kuti pasi pazive kuti imi ndimi makandituma mukavada sokundida kwamakaita. “Baba ndinodawo kuti avo vamakandipa vave kwandinenge ndiri vaonewo mbiri yangu yamakandipa pamusana porudo rwenyu kwandiri pasi pasati pavapo. Baba makarurama, pasi hapana kukuzivai asi ini ndakakuzivai uye ava vanoziva kuti makandituma. Ndakaita kuti vazive zita renyu uye ndichaita kuti rizivikanwe kuti rudo rwamakandida narwo ruvewo mavari uyewo kuti iniwo ndive mavari.”

Verenga chikamu Johani 17

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neJohani 17:20-26