Asi zvino ndavakuenda kuna akandituma. Hapana mumwe wenyu ari kumbondibvunza kuti ko muri kuenda kupi? Asi pamusana pokuti ndataura izvi kwamuri masuruvara mwoyo zvikuru. Zvakadaro zvazvo, ndinokuudzai chokwadi, chokuti zvinotokubatsirai kuti ndiende nokuti ndikarega kuenda, Murevereri uya haazouya; asi ndikaenda ndichamutumira kwamuri. Paanouya achazivisa nyika kuti ine mhosva yechitadzo uye kuti ine mhosva pamafungiro ayo nezvoururami uyewo kuti ine mhosva panezvokutonga. Panezve chitadzo, nokuti havadaviri mandiri. Pane zvoururami, nokuti ini ndava kutoenda kuna Baba uye hamuzoramba muchindiona. “Pane zvokutonga, nokuti mutongi wapasi pano ava kutotongwa.
Verenga chikamu Johani 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 16:5-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo