Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 15:1-16

Johani 15:1-16 SCLB

“Ini ndini mugirepisi wechokwadi Baba vangu ndivo murimi. Bazi rimwe nerimwe risingabereki muchero vanoribvisa. Uye bazi rimwe nerimwe rinobereka muchero, vanoripemhena kuti ribereke muchero wakawanda. Imi makatonatswa nokupemhenwa nezwi randakakutaurirai. Garai mandiri neniwo ndichigara mamuri. Bazi zvarisingakwanisi kubereka muchero nokwaro roga risina kubatanidzwa nomugirepisi ndizvozvowo zvinemi hamukwanisi kubereka muchero kana musiri mandiri. Ini ndini mugirepisi imi ndimi mapazi acho. Anogara mandiri ndichagarawo maari iyeyo ndiye anobereka muchero wakawanda, nokuti musineni hapana chamunogona kuita. Kana munhu asingagari mandiri akaita sebazi rakadimburwa, rinouna. Mapazi akadai anounganidzwa okandwa mumoto opiswa. Mukaramba muri mandiri mazwi anguwo akaramba ari mamuri kumbirai zvenyu chamunenge muchida muchachiitirwa. Baba vangu vanorumbidzwa nezvizvi zvokuti mubereke michero yakawanda muchiratidza nazvo kuti muri vadzidzi vangu. Sokundida kwakaita Baba ndokukudaiwo kwandakaita. Rambai muri murudo rwangu. Kana mukachengeta mitemo yangu, mucharamba muri murudo neni sokuchengetawo kwandakaita mitemo yaBaba vangu ndinoramba ndiri murudo navo. Ndataura izvi kwamuri kuti rufaro rwangu ruve mamuri uyewo kuti rufaro rwenyu ruzare. “Uyu ndiwo mutemo wangu wokuti: Idanai sokukudai kwandakaita. Hakuna rudo runopfuura urwu rwokuti munhu anofira shamwari dzake. Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokuudzai. Handicharamba ndichikutii varanda nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake asi ndava kukutii shamwari nokuti ndakakuzivisai zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu. Hamuna kundisarudza, asi ini ndini ndakatokusarudzai ndikakupai basa rokuti muende mundobereka muchero uye kuti muchero wenyu uve unogara kuti chipi nechipi chamunokumbira Baba muzita rangu vakupei.

Verenga chikamu Johani 15