Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 14:12-17

Johani 14:12-17 SCLB

“Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, anotenda mandiri achaitawo mabasa andinoita uye achaita mabasa akatokura kupinda aya nokuti ndava kuenda kuna Baba. Chiri chose chamunokumbira muzita rangu ndichachiita kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana. Kana mukakumbira chii zvacho muzita rangu ini ndichachiita. “Kana muchindida, muchachengeta mitemo yangu. Iniwo ndichakumbira Baba, ivo vachakupai mumwe Murevereri achava nemi nokusingaperi. Ndiye uya Mweya wechokwadi iyeyo pasi pano hapagoni kumugamuchira nokuti hapamuoni kana kumuziva; imi munomuziva nokuti anogara nemi uye achava mamuri.

Verenga chikamu Johani 14

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neJohani 14:12-17