Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 12:1-50

Johani 12:1-50 SCLB

Mazuva matanhatu ePasika asati asvika Jesu akaenda kuBhetania kwaiva naRazaro waakanga amutsa muvafi. Vakamuitira mabiko ikoko Marita ndiye aivashandira. Razaro ainge ari mumwe wavaidya naye pateburu. Maria akatora hafu yerita yamafuta anokosha enadi chaiyoiyo akazora nawo tsoka dzaJesu akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake. Imba yakazara nokunhuwirira kwamafuta iwayo. Asi Judhasi mumwe wavadzidzi vake, uya akanga achazomupandukira akati: “Mafuta aya aregerereiko kutengeswa nemari yesirivha yedhenariusi inoita mazana matatu yapihwa kuvarombo?” Akataura izvi kwete pamusana pokuti aiva nehanya navarombo asi pamusana pokuti aiva mbavha. Sezvaakanga ari iye sahomwe aipota achitorawo imwe. Jesu akati, “Muregei henyu, dai anga atoachengetera zvake zuva rokuvigwa kwangu. Varombo munavo nguva dzose asi ini hamuneni nguva dzose.” Gungano guru ravaJudha parakanzwa kuti Jesu akanga ariko rakauya kwete pamusana paJesu chete asi kuzoonawo Razaro waakanga amutsa kuvafi. Naizvozvo vapristi vakuru vakarangana kuurayawo Razaro. Chikonzero chacho chiri chokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vavakubva vachinotenda muna Jesu. Zuva ramangwana racho gungano guru ravanhu rakanga rauya kuzuva guru rakanzwa kuti Jesu ari kuuya kuJerusaremu. Nokudaro vakakwanhura mapazi omurara vakaenda kundomugamuchira vachidaidzira vachiti, “Hosana, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi ndiye mambo weIsiraeri.” Jesu akawona chigondora chedhongi akachitasva sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Usatye zvako iwe mukunda weZioni, tarisa uone mambo wako ari kuuya akatasva pachigondora chedhongi.” Pakutanga vadzidzi vake, izvi havana kuzvinzwisisa. Asi Jesu paakawana mukurumbira wake ndopavakayeuka kuti izvi zvakambenge zvakanyorwa nezvake uye kuti ndizvo zvakanga zvaitika kwaari. Chikwata chavanhu chakanga chinaye paakadaidza Razaro muguva akamumutsa muvafi, chakamupupurira. Chakaendera chikwata ichocho kundomuchingura, ndechokuti vakanga vanzwa kuti akanga aita chiratidzo ichocho. VaFarisei vakataurirana kuti, “Chitarisaika muone. Hapana chamunombogona kuita. Onai nyika yotomutevera.” Pakati pevanhu vakaenda kundonamata kuzuva guru paiva navamwe vaGiriki. Ivava vakaenda kuna Firipi aibva kuBhetisaidha muGarirea vakati kwaari, “Changamire tinodawo kuona Jesu.” Firipi akaenda akandotaurira Andireya. Andireya akaenda naFiripi vakandoudza Jesu. Jesu akavapindura achiti, “Nguva yasvika yokuti Mwanakomana womunhu zvino achiwana mukurumbira. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri kusatoti tsanga yekoroni yawira muvhu ikafa inoramba ichingova yoga asi ikafa inobereka muchero wakawanda. Anoda upenyu hwake anorasikirwa naho, asi uyo anovenga upenyu hwake pasi pano anohuchengeta kusvikira kuhupenyu husingaperi. Anoda kundishandira, anofanira kunditevera, kwandinenge ndiri, mushandi wangu ndokwaanofanirawo kuva. Munhu akandishandira, Baba vachamukudza. “Iye zvino ndiri kushushikana mumwoyo Ndoti kudiiko? Baba ndipunyutseiwo kunguva iyi asi aiwa, inga zvenguva iyi ndizvo zvandakavinga wani. Baba rumbidzai zita renyu.” Ipapo izwi rakabva kudenga richiti, “Ndakarirumbidza uye ndicharirumbidzazve.” Chikwata chavanhu chakanga chiripo chakazvinzwa. Vakati, “Kwatinhira,” vamwewo vakati, “Mutumwa waMwari ataura kwaari.” Jesu akapindura achiti, “Izwi iri rauyira imi kwete ini.” Zvino kutongwa kwapasi pano kwasvika. Zvino mutongi wapasi pano ava kudzingirwa kunze. Iniwo kana ndarembedzwa pamusoro payo nyika, ndichakwezvera vanhu vose kwandiri. Akataura izvi achiratidza rufu rwaaizofa narwo. Gungano rakamupindura richiti, “Isu takanzwa muMutemo kuti Mesia achagara nokusingaperi. Ko zvino ungati sei Mwanakomana womunhu anofanira kuti asimudzwe. Ndianiko Mwanakomana womunhu iyeyo?” Jesu akavati, “Mwenje uchinemi kwechinguvana fambai muchine mwenje iwoyo kudai, mungadaro mukawirwa nerima. Anofamba murima haazivi kwaanoenda. Muchine mwenje kudai tendai mumwenje kuti muve vana vechiedza.” Jesu paakapedza kutaura izvi akabva akandozvivanza kwavari. Kunyange zvazvo akaita zviratidzo zvizhinji pamberi pavo asi havana kutenda maari. Zvakaitika kuti zvakataurwa nomuporofita Isaya zvizadziswe zvokuti, “Tenzi ndiani akatenda zvatakataura simba raMwari rakaratidzwa kunaani?” Naizvozvo havana kugona kutenda nokuti Isaya anotizve, “Akavapofomadza maziso akavagomadza mwoyo kuti zvimwe vangadaro vakaona namaziso avo vakanzwisisa nemwoyo yavo vakapindukira kwandiri ndikavaporesa.” Isaya akataura izvi nokuti akaona mbiri yake akataura nezvake. Zvakadaro zvazvo vanhu vazhinji, kunyange vakuru vakuru vakadavira maari. Asi pamusana pokutya vaFarisei havana kugona kuzvidura pachena kuri kutya kuti vangadzingwe muSinagogu. Chikonzero chacho chaiva chokuti vaida kurumbidzwa navanhu kupinda kurumbidzwa naMwari. Jesu akadaidzira achiti, “Anodavira mandiri haadaviri mandiri asi muna iye akandituma. Uyo anondiona anoona iye akandituma. Ndakauya sechiedza pasi pano kuti ani naani anotenda mandiri arege kugara murima. Ani naaniwo anonzwa zvandinotaura asingazvichengete handimupi mhosva nokuti handina kuuya kuzopa pasi mhosva asi kuzoponesa pasi. Anondiramba uye asingagamuchiri zvandinotaura ane anomutonga. Zvandakataura izvozvo ndizvo zvichamutonga pazuva remhedziso. Nokuti handina kutaura zvomusoro wangu. Baba vakandituma ndivo vakanditemera zvandinofanira kutaura nezvandinofanira kureva. Ndinozivawo kuti mutemo wavo ndiwo upenyu husingaperi, saka zvandinotaura, ndinotaura sokuudzwa kwandakaitwa naBaba.”

Verenga chikamu Johani 12