Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 10:1-5

Johani 10:1-5 SCLB

Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, “Asingapindi napamusuo pedanga rehwai asi achikwira napamwe munhu iyeyo imbavha negororo. Asi anopinda napamusuo ndiye mufudzi wehwai. Muchengeti wapasuo guru, anomuzarurira musuo; uye hwai dzinonzwa izwi rake. Anodaidza hwai dzake namazita achidzitungamirira kunze. Kana achinge adziburitsa dzose panze, anodzitungamirira uye hwai dzinomutevera nokuti dzinoziva izwi rake. Mweni hadzimuteveri, asi dzinotomutiza nokuti hadzizivi izwi ravaenzi.”

Verenga chikamu Johani 10