Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, “Asingapindi napamusuo pedanga rehwai asi achikwira napamwe munhu iyeyo imbavha negororo. Asi anopinda napamusuo ndiye mufudzi wehwai. Muchengeti wapasuo guru, anomuzarurira musuo; uye hwai dzinonzwa izwi rake. Anodaidza hwai dzake namazita achidzitungamirira kunze. Kana achinge adziburitsa dzose panze, anodzitungamirira uye hwai dzinomutevera nokuti dzinoziva izwi rake. Mweni hadzimuteveri, asi dzinotomutiza nokuti hadzizivi izwi ravaenzi.” Jesu akavashandisira muenzaniso uyu, asi ivo havana kunzwisisa zvaaireva kwavari. Ipapo Jesu akatizve kwavari, ndinoti kwamuri, “Idi chaizvo ini ndini musuo wehwai. Vose vakanditangira dzaiva mbavha namakororo asi hwai hadzina kuvateerera. Ini ndini musuo. Anopinda napandiri achaponeswa; achapinda nokubuda zvake achiwana mafuro. Mbavha inouya chete kuzoba, nokuzouraya nokuparadza, ini ndakauya kuti vanhu vawane upenyu, uye kuti vawane upenyu huzere. Ini ndini mufudzi wakanaka mufudzi wakanaka anofira hwai dzake.
Verenga chikamu Johani 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 10:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo