Uhu ndihwo uchapupu hwaJohani, vaJudha pavakatuma vapristi navaRevhi kwaari vachibva kuJerusaremu kundomubvunza kuti: “Ndiwe ani?” Akataura pachena; haana kuvanza; akataura pachena achiti, “Ini handisini Kristu.” Vakamubvunza vachiti, “Ko zvino, ndiwe Eriya here?” “Handisini iye. Ndiwe muporofita uya airehwa here?” Iye akati, “Handisini.” Zvino vakati kwaari, “Ko ndiwe ani tinoda mhinduro kwauri yokupa vatituma; unozviti ani iwe?” Akati: “Ndini izwi rouya anodanidzira murenje richiti, ‘Ruramisai nzira yaTenzi sokutaura kwomuporofita Isaya.’ ” Zvino vakanga vatumwa vaya vaibva kuvaFarisei, vakamubvunza kuti, “Ko zvino uri kuombekerei kana usiriwe Kristu kana Eriya kana muporofita uya?” Johani akavapindura kuti, “Ndinoombeka nemvura asi pakati penyu pane mumwe wamusingazivi. Iyeyo anouya mushure mangu, ini handikodzeri kusunungura tambo dzeshangu dzake.” Izvi zvakaitika kuBhetania iri kumhiri kwaJorodhani kwaiombeka Johani. Ramangwana acho, Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarisai muone hwayana yaMwari inobvisa chitadzo chapasi. Uyu ndiye wandaitaura nezvake ndichiti, ‘Mushure mangu muchauya munhu mukuru kupinda ini nokuti akanga aripo ini ndisati ndavapo.’ Ini handina kunge ndichimuziva; asi ndizvo zvandakavinga ndichiombeka nemvura, kuti aziviswe kuIsraeri.” Johani akapa umboo uhu hwokuti, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akasvikogara paari. Ini pachezvangu ndakanga ndisingamuzivi asi uyo akandituma kuti ndiombeke nemvura akanditi, ‘Uyo waunoona Mweya achiburukira paari, achigara paari iyeyo ndiye anoombeka naMweya Mutsvene.’ Ini ndakazviona uye ndinopupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.”
Verenga chikamu Johani 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 1:19-34
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo