Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 1:1-51

Johani 1:1-51 SCLB

Pakutanga Izwi akanga atovapo; Izwi iyeyo akanga ari pamwechete naMwari; Izwi akangawo ari Mwari. Kubvira pakutanga, iye akanga ari pamwechete naMwari. Zvinhu zvose zvakaitwa nemaari; hapana chisikwa chisina kusikwa naiye. Maari makanga muino upenyu; upenyu ihwohwo hwakanga huri chiedza chavanhu chiedza chinovhenekera murima uye rima harina kuchikurira. Kwakazova nomunhu akatumwa naMwari, zita rake ainzi Johani. Uyu akauya kuzopa uchapupu achipupurira chiedza, kuti vanhu vose vatende maari. Iye akanga asiri chiedza, asi akauya kuzopupurira chiedza achiti chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu wose, chiri kuuya pasi pano. 10 Iye akava pasi pano uye pasi pakasikwa nemaari asi pasi hapana kumuziva. Akauya kunyika yokwake vokwake havana kumugamuchira. Asi vose vakamugamuchira vakatenda muzita rake akavapa simba rokuva vana vaMwari vasina kuberekwa nokuda kwoukama hweropa kana kuti nezvinodiwa nenyama. Kana nechido chomurume asi nokuda kwaMwari. Izwi akava munhu anenyama akagara pakati pedu azere nyasha nechokwadi. Takaona mbiri yake inokodzerana nomwana oga waBaba. 15 Johani akamupupurira akadaidzira achiti, “Uyu ndiye wandaiti, ‘Uyo achauya mushure mangu, mukuru kwandiri nokuti akavapo ndisati ndavapo.’ ” Kubva mumafashafasha enyasha dzake, takapiwa tose nyasha pamusoro pedzimwe nyasha. Mutemo wakapiwa nokuna Mosesi nyasha nechokwadi zvikauya nokuna Jesu Kristu. Hakuna akamboona Mwari asi Mwanakomana mumwechete waMwari iye wapamwoyo paBaba ndiye akaita kuti vazivikanwe kuvanhu. Uhu ndihwo uchapupu hwaJohani, vaJudha pavakatuma vapristi navaRevhi kwaari vachibva kuJerusaremu kundomubvunza kuti: “Ndiwe ani?” Akataura pachena; haana kuvanza; akataura pachena achiti, “Ini handisini Kristu.” Vakamubvunza vachiti, “Ko zvino, ndiwe Eriya here?” “Handisini iye. Ndiwe muporofita uya airehwa here?” Iye akati, “Handisini.” Zvino vakati kwaari, “Ko ndiwe ani tinoda mhinduro kwauri yokupa vatituma; unozviti ani iwe?” Akati: “Ndini izwi rouya anodanidzira murenje richiti, ‘Ruramisai nzira yaTenzi sokutaura kwomuporofita Isaya.’ ” Zvino vakanga vatumwa vaya vaibva kuvaFarisei, vakamubvunza kuti, “Ko zvino uri kuombekerei kana usiriwe Kristu kana Eriya kana muporofita uya?” Johani akavapindura kuti, “Ndinoombeka nemvura asi pakati penyu pane mumwe wamusingazivi. Iyeyo anouya mushure mangu, ini handikodzeri kusunungura tambo dzeshangu dzake.” Izvi zvakaitika kuBhetania iri kumhiri kwaJorodhani kwaiombeka Johani. Ramangwana acho, Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarisai muone hwayana yaMwari inobvisa chitadzo chapasi. Uyu ndiye wandaitaura nezvake ndichiti, ‘Mushure mangu muchauya munhu mukuru kupinda ini nokuti akanga aripo ini ndisati ndavapo.’ Ini handina kunge ndichimuziva; asi ndizvo zvandakavinga ndichiombeka nemvura, kuti aziviswe kuIsraeri.” Johani akapa umboo uhu hwokuti, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akasvikogara paari. Ini pachezvangu ndakanga ndisingamuzivi asi uyo akandituma kuti ndiombeke nemvura akanditi, ‘Uyo waunoona Mweya achiburukira paari, achigara paari iyeyo ndiye anoombeka naMweya Mutsvene.’ Ini ndakazviona uye ndinopupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.” Ramangwana rachozve Johani akanga amire navadzidzi vake vaviri; akatarisa Jesu achifamba akati, “Tarisai muone Hwayana yaMwari.” Vadzidzi vaviri vaya vakamunzwa achitaura izvi vakabva vatevera Jesu. Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavati, “Muri kutsvakeiko?” Ivo vakati kwaari, “Rabhi,” (zvinoreva kuti mudzidzisi) “Munogara kupiko?” Iye akati kwavari, “Uyai muzoona.” Vakauya vakaona paaigara vakagara naye zuva iroro, izvozvo yakanga iri awa yechigumi. Andireya munun'una waSimoni Pita ndiye mumwe wavadzidzi vaviri vaya vakanzwa Johani achitaura vakamutevera. Akatanga kuwana Simoni akamuti, “Tawana Mesia zvinoreva kuti Kristu.” Akauya naye kuna Jesu. Jesu akamutarisa akati, “Iwe unonzi Simoni Mwanakomana waJohani zvino uchanzi Kefasi,” (zvinoreva kuti Pita). Ava mangwana Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea ndokuwana Firipi akamuti, “Nditevere.” Zvino Firipi aibva kuBhetisaidha guta ravanaAndireya naPita. Firipi akawana Natanieri akati kwaari, “Taona munhu uya akanyorwa nezvake naMosesi muMutemo noMuvaporofita, anonzi Jesu anobva kuNazareti mwanakomana waJosefi.” Natanieri akamuti, “Chiiwo chakanaka chingabve kuNazareti?” Firipi akati kwaari, “Uyaka uone.” Jesu akaona Natanieri achiuya kwaari akataura nezvake achiti, “Houno muIsiraeri chaiyeiye, asina unyengedzi maari.” Natanieri akati, “Ko mandiziva sei?” Jesu akamupindura achiti, “Firipi asati akudaidza, zviya uri pasi pomukuyu ndatenge ndakuona.” Natanieri akamupindura achiti, “Rabhi imi ndimi Mwanakomana waMwari, ndimi mambo weIsiraeri.” Jesu akamupindura achiti, “Watenda pamusana pezvandati ndakuona uri pasi pomukuyu uchaona zvinhu zvikuru kupinda izvi.” Akati kwaari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri muchaona denga rakazaruka vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka nechapamusoro pomwanakomana womunhu.”

Verenga chikamu Johani 1