Jeremiya 52
52
Kuparadzwa kweJerusaremu
(2 Nhor 36:11–13; 2 Madzi 24:18—25:7)
1Zedhekiya akanga ava namakore makumi maviri nerimwechete paakava mambo. Akatonga kwamakore gumi nerimwechete ari muJerusaremu. Zita raamai vake vainzi Hamutari mwanasikana waJeremiya wokuRibhuna. 2Iye akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi achitevedzera zvose zvakanga zvaitwawo naJehoyakimu. 3Zvakazosvitsa chaipo pokuti Tenzi aite izvi zvakadai zvokubvisa Jerusaremu nenyika yevokwaJudha pameso pake, pamusana pokushatirwa kwaakanga aita.
Zedhekiya akazopandukira mambo weBhabhironi. 4Mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaZedhekiya, mumwedzi wegumi, pazuva regumi romwedzi iwoyo, Nebhukadhireza mambo weBhabhironi akauya nehondo yake yose kuzorwisa Jerusaremu vakarikomba vakatutira mavhu kurusvingo kuritenderedza chinenge musana kuita chokupindamo nacho. 5Nokudaro guta rakakombwa kusvikira mugore regumi nechiposhi rokutonga kwamambo Zedhekiya. 6Pazuva rechipfumbamwe romwedzi wechina wacho, nzara yakabaya zvinorwadza muguta imomo zvokuti vanhu vomunyika imomo vakanga vasisina chokudya. 7Kwakapazwa rusvingo muguta imomo, hondo yose yavarwi ikasvova nousiku nokunzira yokusuo guru pakati petsvingo mbiri pedyo nebhindu ramambo, izvozvo vaKaridhea vakarikomba kudaro. Vakananga nokuArabha.#52:7 Arabha: Dunhu rokumapani omuna Jorodhani. 8Asi hondo yavaKaridhea yakaronda mambo ikabatira Zedhekiya kumapani okuJeriko. Hondo yake yose yakamudzvamuka, 9ivo vakabata mambo vakauya naye kuna mambo weBhabhironi kuRibhura mudunhu reHamati akamutemera chirango chemhosva yake. 10Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekiya iye akatarisa, akaurayawo machinda ose okwaJudha paRibhura ipapo. 11Akasvukunura Zedhekiya maziso akamusunga nengetani. Mambo weBhabhironi akaenda naye kuBhabhironi, akamuisa mujeri kusvikira musi waakafa.
Kuparadzwa kweTemberi
(2 Madzi 25:8–17)
12Mumwedzi wechishanu pazuva regumi romwedzi iwoyo, riri gore regumi nechipfumbamwe rokutonga kwamambo Nebhukadhireza, mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru mukuru wevachengetedzi vamambo iyeyo, aishandira mambo weBhabhironi akapinda muJerusaremu. 13Akapisa imba yaTenzi nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusaremu nedzimba dzakanga dzakati kurei dzose akadzipisa nomoto. 14Hondo yose yevaKaridhea yakanga ino mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo, vakakoromora tsvingo dzose dzakanga dzakapoteredza Jerusaremu. 15Nebhuzaradhani mukuru wavachengetedzi vamambo akatapa vamwe vanhu varombo navamwe vose vakanga vasara mugutamo navakanga vapandukira kuna mambo weBhabhironi pamwechete navamwe vose vaive mhizha vakanga vasara. 16Nebhuzaradhani, mukuru mukuru wavachengetedzi vokwamambo akasiyawo vamwe varombowo zvavo vokupedzesera vomunyika iyi kuti vave vachengeti vemigirepisi navarimi veminda. 17VaKaridhea vakadimura-dimura misimboti yendarira yaiva mumba yaTenzi nengoro nezibhavhu ziguruguru riya zvaiva pamba yaTenzi vakatakura ndarira yacho kuBhabhironi. 18Vakatakura mapoto namafoshoro nezvigero nembenge nendiro dzorusenzi nemidziyo yose yendarira yokushandisa muTemberi 19uyewo ndiro diki namagwati okutapisa moto nembenge namapoto nezvigadzikiro zvomwenje namadhishi orusenzi nemidziyo yomupiro wokuteura. Zvakanga zviri zvendarama, mukuru mukuru wevachengetedzi vamambo akazvitakura sendarama zvesirivha sesirivhawo. 20Kana zviri zvemisimboti miviri iya nezibhavhu ziguruguru rimwechete nehandira dzendarira gumi nembiri dzaraigadzikirwa dziya nezvigadzikiro zvacho, zvakanga zvagadzirwa namambo Soromoni achigadzirira imba yaTenzi, ndarira yacho yezvinhu zvose izvozvi hakuzi kurema ikoko kwayaiita. 21Kana zviri zvemisimboti iya, kureba kwemusimboti mumwechete kwaiita mamita masere, ukobvu hwaro kuritenderera huchiita mamita mashanu ane chikamu chemita chinenge choda kusvitsa chikamu chapakati napakati chemita utare hwacho hwakaita mamirimita makumi manomwe namashanu kukobvuka. Rakanga riine zimhango. 22Pamusoro paro paiva nechepamusoro chendarira. Kureba kwomusimboti mumwechete kukwira mudenga kwaiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri. Paiva nakamumbure uye mapomegiraneti zvose zviri zvendarira zvaiva zviri pane chepamusoro chiya zvakachitenderedza. Uye musimboti wechipiri wakanga wakaita zvimwechetezvo uine mapomegiraneti. 23Mapomegiraneti aiva kumativi ainge ari makumi mapfumbamwe namatanhatu. Ose pamwechete, mapomegiraneti akakanga akarukirirwa, akatenderera, aiva zana.
Kutapwa kwakaitwa vokwaJudha vachiendeswa kuBhabhironi
(2 Madzi 25:18–21,27–30)
24Mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo uya akatapa mupristi mukuru, Seraya nomutevedzeri wavo Zefaniya nevachengetedzi vatatu vokumusuo. 25Muguta, akatapa mumwe mukuru mukuru aimbenge ari mutungamiriri wevarwi kuhondo namachinda amambo manomwe vaiva muguta umu nasamunyori womutungamiriri wehondo aitungamirira vanhu venyika iyoyi. Akatapawo makumi matanhatu avarume venyika iyi vaiva mukati megutamo. 26Nebhuzaradhani mukuru mukuru uya wevachengetedzi vamambo akaenda navo kuna mambo weBhabhironi kuRibhura. 27Mambo weBhabhironi akavaponda vakafa kuRibhura kunyika yeHamati. Ndiko kutapwa kwakaitwa vokwaJudha vachibviswa munyika mavo. 28Uhu ndihwo uwandi hwavanhu vakatakurwa naNebhukadhireza mugore rechinomwe kuutapwa. Vaiva vari vaJudha zviuru zvitatu zvina makumi maviri navatatu. 29Mugore regumi nechisere rokutonga kwaNebhukadhireza, akatapa kubva muJerusaremu vanhu vaiita mazana masere ana makumi matatu navaviri. 30Mugore ramakumi maviri nerechitatu rokutonga kwaNebhukadhireza, Nebhuzaradhani mukuru wavachengetedzi vamambo akatapa vaJudha vaiita mazana manomwe ana makumi mana navashanu. Vanhu vose pamwechete vaisvika zviuru zvina zvine mazana matanhatu.
Kusunungurwa kwaJehoyakini muusungwa
(2 Madzi 25:27–30)
31Mugore remakumi matatu nechinomwe routapwa hwaJehoyakini mambo wokwaJudha, mumwedzi wegumi nechipiri, pazuva ramakumi maviri nechishanu romwedzi iwoyo, Evhirimerodhaki mambo weBhabhironi, mugore raakatangisa kutonga akasimudzira Jehoyakini mambo wokwaJudha pamusoro akamubudisa mujeri. 32Akataura naye zvakanaka akamupa chigaro chepamusoro kupinda madzimambo aayiva nawo muBhabhironi. 33Naizvozvo Jehoyakini akabvisa hanzu dzake dzousungwa. Mazuva ose oupenyu hwake akazenge ava kudya namambo pateburu nguva dzose. 34Panyaya yezvaaifanira kutambiriswa aitambiriswa mugove wezvinobva kwamambo nguva dzose maererano nezvaikwanisa kumuraramisa zuva nezuva kudzamara pazuva rokufa kwake upenyu hwake hwose.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 52: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.