Jeremiya 36
36
IV: KUTAMBUDZIKA KWAJEREMIYA
Bharuku anoverenge mashoko aJeremiya muTemberi
1Mugore rechina#36:1 Mugore rechina: Jehoyakimu akatonga kubvira 606 kusvikira 605 (K.A.A). rokutonga kwaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha, shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi richiti, 2“Tora bhuku rokumononora unyore mariri mashoko ose andakakutaurira akanangana nenyika yokwaIsiraeri neyokwaJudha namarudzi ose kubvira musi wandakataura kwauri, kubvira mumazuva aJosiya kusvikira nhasi uno. 3Zvimwe vemba yokwaJudha vanganzwe zvakaipa zvose zvandiri kufunga kuvapinza mazviri zvikaita kuti munhu wose asiyane nenzira yake yakaipa kuti ndivaregerere uipi hwavo nechitadzo chavo.”
4Ipapo Jeremiya akadaidza Bharuku mwanakomana waNeriya. Bharuku akazonyora mubhuku rokumononora, mazwi achibva mumuromo maJeremiya, mazwi ose aakanga ataurirwa naTenzi. 5Jeremiya akarongera Bharuku kuti, “Ini handichabvumirwi kutsika kumba yaTenzi. 6Saka iwe unofanira kuendako uri musi wokutsanya. Vanhu vose vachizvinzwira kudaro, mumba yaTenzi imomo, unofanira kuverenga mazwi aTenzi mubhuku rokumononora iri rawanyora zvandakutaurira. Unofanira kuaverengerawo vanhu vose vokwaJudha vanenge vabva kumaguta kwavo vazvinzwire. 7Minyengetero yavo pamwe ingasvike pana Tenzi uyewo kuti munhu wose angabva asiyana nenzira yake yakaipa nokuti Tenzi akataura akatsamwa akashatirwa zvakaipisisa kwazvo nezvavanhu ivava ava.”
8Saizvozvowo Bharuku mwanakomana waNeriya akaita zvose zvaakanzi nomuporofita Jeremiya aite zvokundoverengera mazwi aTenzi omubhuku iroro mumba yaTenzi.
9Mugore rechishanu rokutonga kwaJoyakimu, mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha, mumwedzi wechipfumamwe, vanhu vose vomuJerusaremu pamwechete navanhu vakanga vabva kumaguta okwaJudha vakauya kuJerusaremu vakazvitemera zuva rokutsanya pana Tenzi. 10Ipapo, vanhu vose vachizvinzwira, Bharuku akabva averenga mazwi aJeremiya aya mubhuku riya mumba yaTenzi mune imwe imba yaGemariya mwanakomana waShafani munyori wapadare yakanga iri nechokumusoro kwenhandare kwaipindwa nako kuSuo Guru Idzva remba yaTenzi.
Zviri mubhuku rokumononora zvinodederesa machinda nokutya
11Mikaya mwanakomana waGemariya mwanakomana wokwaShafani paakanzwa mashoko ose aTenzi achiverengwa mubhuku iroro, 12akadzika kumuzinda wamambo akasvikopinda mumba yomunyori. Izvozvo machinda ose akanga ageremo. Paiti munyori Erishama, pouya Dheraya mwanakomana wokwaShemaya tevere Erinatani mwanakomana wokwaAkibhori, uyewo Gemariya mwanakomana wokwaShafani, kozoti Zedhekiya mwanakomana waHananiya namachinda ose. 13Mikaya akavarondedzera mazwi ose aakanga anzwa paiverenga Bharuku bhuku riya vanhu vachizvinzwira. 14Machinda ose ndopaakatuma Jehudhi mwanakomana waNetaniya mwanakomana waSheremiya mwanakomana waKushi neshoko kuna Bharuku rokuti zvanzi, “Tora mumaoko mako bhuku rokumononora rawaverengera vanhu vachinzwa uuye.”
Saizvozvo Bharuku mwanakomana waNeriya akatora mumaoko bhuku racho rokumononora ndokuenda kwavari. 15Ivo vakamuti, “Gara pasi uri verenge.” Bharuku akavaverengera bhuku iroro. 16Vakatarisana vava kutya vakabva vati kuna Bharuku, “Tinofanira kundonyatsopira mashoko aya kuna mambo nezvinhu zvose zvarehwa izvozvi.” 17Vakabvunza Bharuku voti, “Tiudze. Zvakambouya sei chaizvo kuti iwe uzonyora mazwi ose iwaya? 18Zvaibva mumuromo make here izvi?”
Bharuku ndokupindura achiti, “Akaita zvokunditaurira mazwi ose iwaya ini ndichinyora neingi mubhuku rokumononora irori.”
19Machinda iwayo akabva aruma nzeve Bharuku oti, “Chiendai mundohwanda, iwe naJeremiya parege kuva kana nomumwe anoziva kwamuri.”
Kupisa bhuku rokumononora kwamambo
20Saizvozvowo vakaenda mudare kuna mambo vasiya vaisa bhuku rokumononora riya mumba yomunyori Erishama, vakapira kuna mambo mashoko ose iwayo. 21Mambo akabva atuma Jehudhi kundotora bhuku iroro rokumononora akandoritora mumba yomunyori Erishama muya, Jehudhi akariverengera mambo namachinda ose anokuta mambo. 22Iwoyo wakanga uri mwedzi wechipfumbamwe, mambo agere hake mumba yake yenguva yechando. Izvozvo paiva nomoto wairirima muchoto iye achigota moto hake. 23Jehudhi aingoti akati verengei zvikamu zvaro zvitatu kana zvina, mambo aibva agwishura zvikamu izvozvo nekapanga obva azviti chi-i mumoto mumbaura kudzamarara bhuku rokumononora rose rapera kutsva nomoto waiva mumbaura.
24Zvakadaro zvazvo pakati pamambo namakurukota ake akanga anzwa mashoko iwaya ose hapana kana nomumwe wavo akatya kana kubvarura hanzu dzavo neshungu. 25Kunyangewo Erinatani naDheraya naGemariya pavaiteterera kuna mambo kuti arege kupisa bhuku rokumononora iroro, mambo haana kumbovateerera. 26Asi mambo akatoudza Jerahimieri, mwanakomana wamambo naSeraya mwanakomana wokwaAzirieri uyewo Sheremiya mwanakomana waAbhudhieri kuti vabate Bharuku munyori nomuporofita Jeremiya, asi Tenzi akavahwandisa.
Jeremiya anonyorazve rimwe bhuku rokumononora
27Zvino mushure mokunge mambo apisa bhuku rokumononora riya ramazwi akanyorwa naBharuku achibva mumuromo maJeremiya, shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya rikati, 28“Tora rimwe bhuku rokumononora unyore mariri mazwi ose aya aiva mubhuku rokumononora rokutanga riya rakapiswa naJehoyakimu mambo wokwaJudha. 29Zvaunofanira kunyora zvichinangana naJehoyakimu mambo wokwaJudha ndezvizvi zvokuti, ‘Zvanzi naTenzi, handiti wapisaka iwe bhuku rokumononora iri’ uchiti, ‘Wakanyorerei mariri kuti mambo weBhabhironi achauya chete kuzoparadza nyika ino achitsakatisa mairi vanhu nemhuka?’ 30Naizvozvo Tenzi ari kutaura nezvaJehoyakimu mambo wokwaJudha kuti haazofa akawana wokwake anozogara pachigaro choumambo hwokwaDhavhidhi uye chitunha chake chichakandwa panze chitsve nezuva masikati usiku chichitonhorwa nechando. 31Ndichamuranga iye nezvizvarwa zvake navaranda vake ndichivarangira uipi hwavo. Ndichaunzira vanhu ava navagari vomuJerusaremu navanhu vokwaJudha zvakaipa zvose zviya zvandakati zvivawire asi ivo havana kuteerera.”
32Jeremiya akatorawo rimwe bhuku rokumononora akaripa kunyanzvi yomutemo, Bharuku mwanakomana waNeriya akabva anyora mariri mazwi ose aibva mumuromo maJeremiya, mashoko ose omubhuku riya rakanga rapiswa mumoto naJehoyakimu mambo wokwaJudha achiisawo mamwe mazwi akawanda akaita saiwawo.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 36: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.