Zvanzi naTenzi, munzvimbo ino iyi yaunoti, “Yava dongo risina munhu kana mhuka, imo mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu zvaparara izvi zvisisina munhu ageremo kana mhuka, muchatozonzwikazve chikwe-e chokuseka nemheremhere yokufara neyokupemberera mwenga nokufarira murume wacho nomumhanzi wevanoimba vachiuya nemipiro yokutenda kumba yaTenzi vachiti: “Tendai Tenzi wehondo nehondo nokuti Tenzi akanaka nokuti mwoyochena wake hauperi! Ndinodaro nokuti ndichachinja utapwa hwenyika iyoyi igova sapakutanga, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
Verenga chikamu Jeremiya 33
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jeremiya 33:10-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo