“Panguva iyoyo, zvanzi naTenzi ini ndinenge ndiri Mwari wedzimhuri dzose dzeIsiraeri naivowo vachava vanhu vangu.”
Zvanzi naTenzi,
“Vanhu vakapunyuka bakatwa vaya
vakawana nyasha kurenje,
paitsvaga Isiraeri runyararo.
Ini Tenzi ndakazvionesa kwauri ndiri nechokure.
Ndakakuda norudo rusina mugumo
ndokusaka ini ndakaramba ndakangotendeka kwauri.
“Ndichakuvaka, ugovakika,
iwe mhandara, Isiraeri.
Uchazvishongedza zvakare netambureni
uendewo uchindodzana pamutambo
navanenge vachifara.
“Uyewo uchasima minda yamagirepisi
mumakomo eSamaria.
Vasimi vachasima
vagofarira kudya nomuchero wacho
nokuti kuchava nezuva rokuti
vachengetedzi vachayambira
vari munyika yokwaEfuremu yamakomo
vachiti, ‘Simukai tikwire kuguta reZioni
kuna Tenzi, Mwari wedu.’ ”
Chikonzero ndechokuti, zvanzi naTenzi,
“Imbai muchiita zvokutodaidzira
muchifarira vokwaJakobho
mushevedzere kwazvo muchiitira
changamire wendudzi nendudzi dzavanhu,
muparidze murumbidze muchiti,
‘Tenzi akanunura vanhu vake
chitsama chavakasara veIsiraeri.’
“Chinzwai ndichavauyisa
ndichivabvisa kunyika yokuchamhembe
ndichivakokorodza kure kure
kwakaperera nyika chaiko
pakati pavo paina mapofu nevakaremara
nomudzimai akazvitakura pamwechete
nomukadzi anenge achirwadzwa pakusununguka.
Vachadzoka kuno vari
gurusvusvu guru chairo.
“Vachauya vachihwihwidza kuchema,
ndichivanyaradza nokuvatungamirira pakudzoka.
Ndichavafambisa nomuhova dzemvura,
munzira yakati twasu
mavasingazofa vakadzedzereka
nokuti ini ndiri baba kuIsiraeri
uye vokwaEfuremu ndivo dangwe rangu.
“Inzwai shoko raTenzi,
imi ndudzi nendudzi dzavanhu,
muriparidze kure
kunyika dzomumahombekombe megungwa.
Itii, ‘Nyakumwararisa Isiraeri uya,
achaikokorodzazve achizoichengeta
sokuchengetedza kunoita mufudzi
danga rezvipfuwo zvake.’
“Chikonzero chacho ndechokuti
Tenzi akaponesa vokwaJakobho
achivanunura mumaoko
meane simba kukunda iye.
Vachauya vagoimba vachiita zvokudaidzira
pamutunhu wakatunhumara weZioni
vachifarira mwoyo wakanaka waTenzi,
vachifarira mbeswa newaini
namafuta eorivhi, vachifarirawo
vana vezvipfuwo zvavo nemhuru.
Upenyu hwavo huchaita
sebindu rinodiridzwa,
havachazofazve vakazvidya mwoyo.
“Ipapo ndopachapembera kufara, vasikana vodzana zvino,
majaya navakura vachifara zvavo.
Nhamo yavo yokuchema
ndichaishandura kuva kupembera kufara.
Ndichavanyaradza ndichivapa mufaro
panzvimbo pokusuruvara.
Ndichaita kuti vapristi
vanakirwe mumwoyo nezvakawanda
vanhu vangu vachigutswa
nezvakanaka zvangu
ndozvinoreva Tenzi.”
Zvanzi naTenzi,
“Izwi rinonzwika kuRama,
kuungudza nokuhwihwidza kuchema
Rakeri achiridzira mhere vana vake
vachiramba kunyaradzwa nezvevana vake
pamusana pokuti havasisipo.”
Zvanzi naTenzi,
“Izwi rako ngarichirega
kana kuburitsa misodzi
mumaziso mako
nokuti uchapiwa mubayiro
webasa rako,
ndizvo zviri kutaura Tenzi,
uye vachadzoka vachibva
kunyika yomuvengi.
Chitarisiro chichiripo
choupenyu hwako hweramangwana
ndizvo zviri kutaura Tenzi
uye vana vako vachadzoka
kunyika yavo.
“Ndanzwa vokwaEfuremu vachichema nhamo
Inga makandipingudza,
ndakapinguka sejongosi
risina kupingudzwa.
Ndidzoserei kwakare
ndiite sezvandakanga ndiri
nokuti imi ndimi
Tenzi, Mwari wangu.
Ndinodaro nokuti
mushure mokunge ndarasika
ndakapinduka,
uyewo mushure mokunge ndadzidziswa
ndakaombera maoko
ndakabatwa nenyadzi ndikadumbirwa nazvo
nokuti ndaitenge ndakafumuka
nezvandakaita kubvira pauduku hwangu.
“VokwaEfuremu ava mwanakomana wangu
wapamwoyo here chaizvo?
Ndiye here mwana wangu wandinodisa?
Chinondipa kudaro ndechokuti
pose pandinotaura zvokumuyambira
ndinenge ndichingomufunga chete.
Ndokusaka mwoyo wangu uchimusuwa,
ndichatomuitira tsitsi chete,
ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Zviisirei mucherechedzo mugwara
muzvigadzirire zvikwangwani zvokuzotevedza,
nyatsofungai mugwagwa mukuru,
nzira yamakaenda nayo.
Chidzoka nhai mhandara Isiraeri
udzokere kumaguta ako iwaya.
“Kusvikira rini chaizvo
uchingowaya-waya kudai,
nhaiwe mwanasikana asina kutendeka?
Chavapo ndechokuti
Tenzi asika chinhu chitsva panyika
chokuti munhukadzi ndiye
ava kupfimba munhurume.”
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, “Vachamutsiridzazve munyika yokwaJudha nomumaguta ayo pandinenge ndavadzosera makomborero avo, kutaura, chikomborero ichi chokuti:
“Tenzi ngaakukomborere
iwe musha wokururama
iyewe chikomo chinoera!
Izvozvo nyika yokwaJudha namaguta ayo ose vachagarisana pamwechete navarimi vaya vanopota-pota zvavo namatanga avo ezvipfuwo nokuti ini ndichagutsa mweya wakaneta ndichisimbaradza mweya wose wakarukutika.
“Ndakapepuka ndikaona kuti ihope dzangu dzanga dzichindinakira.
“Chinzwai, zvanzi naTenzi mazuva ari kuuya andichasima imba yokwaIsiraeri nemba yokwaJudha vanhu nemhuka. Zvimwe zvichazoitika ndezvokuti sokuona kwandakaita vachidzipurwa nokupazwa vachikurirwa vachiparadzwa nhamo dzichivawira saizvozvo ndichatoonawo kuti vavakwa nokusimwa, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Mumazuva iwayo vanhu vacharega kutaura muromo wokuti:
“Madzibaba akadya magirepisi anovava,
nezvo vana vaita ugugu mumazino.
“Asi kutoti munhu wose anofanira kufira chitadzo chake, nyakudya magirepisi anovava ndiye ane mazino achaita ugugu.
“Chionai, zvanzi naTenzi mazuva achasvika andichaita chitenderano chitsva nemba yokwaIsiraeri nemba yokwaJudha. Chichange chisina kufanana nechitenderano chiya chandakaita namadzitateguru avo pandakavabata ruoko ndichivaburitsa munyika yeIjipiti, chitenderano changu chavakaputsa kunyange zvazvo ini ndiri ini ndaiva murume wavo, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Asi ichi ndochitenderano chandichaita nemba yeIsiraeri mushure memazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Tenzi, chokuti:
“Ndichauisa mutemo wangu mavari
ndichiunyora pamwoyo pavo.
Ini ndichava Mwari wavo,
ivo vachivawo vanhu vangu.
Kuchange kusisina zvokudzidzisanazve
mumwe nomumwe, hama nehama,
munhu achiti, ‘Zivawo Tenzi,’
nokuti vose zvavo vachandiziva
kubvira kumuduku-duku
kusvikira kumukuru wacho
ndizvo zviri kutaura Tenzi
nokuti ndichavaregerera uipi hwavo
uye chitadzo chavo
handichazombochirangarirazve.”
Zvanzi naTenzi,
iye anopa kuti
zuva rivhenekere masikati
nokurongera mwedzi zvokugara uchiita
nenyenyedzi kuvhenekera usiku,
iye anobvongodza gungwa
zvokuti mafungu atinhire,
zita rake ndiYahweh
wehondo nehondo.
Kana urongwa ihwohu
hukabva pamberi pangu,
ndizvo zviri kutaura Tenzi
ndopachozorega zvizvarwa zveIsiraeri
kuva rudzi pamberi pangu narini wose.
Zvanzi naTenzi,
“Kana matenga mudenga'mu
achigona kuerwa,
uye ugaro hwenyika muvhu umu
huchigona kuongororwa,
iniwo ndopandingarase
zvizvarwa zvose zveIsiraeri
ndichivarasira twose twavakabata,
ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
Chinzwai zvanzi naTenzi, “Mazuva achasvika achavakirwa Tenzi guta iri kubvira paNharire yokwaHananero kusvikira kuSuo Guru repakona. Uye tambo yokueresa ichapfuudzwa ipapo yoti tande yakananga kuchikomo cheGarebhu yozotsaukira kuGoa. Bani rose zvaro rezvitunha namadota uye namakura ose kusvikira kuKakova keKidhironi kudzamara kukona yeSuo Guru raMabhiza tonanga kumabvazuva richava rinoera raTenzi. Harisi kuzofa rakadzipurwa kana kukurirwazve kusvikira narini wose.”