“Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri kunemi nhapwa dzose dzandakaendesa kuBhabhironi kuutapwa dzichibva kuJerusaremu: “Vakai dzimba mugaremo zvenyu, simai mapindu mudye zvinobudamo. Roorai vakadzi muve navana vakomana navasikana. Roorerai vakadzi vanakomana venyu muroodzewo vanasikana venyu kuti vabereke vana vakomana navasikana muwande ikoko murege kushomeka. Vavarirai kuti guta randinenge ndakuendesai muutapwa rive norugare murinamatire kuna Tenzi nokuti kugarika kwaro ndiko kugarikawo kwenyu. Chandinodariro ndechokuti, zvanzi naTenzi, Mwari wehondo nehondo Mwari weIsiraeri, Musanyengedzwe navaporofita venyu vari mukati menyu. Musanzwe zviroto zvavanorotomoka nokuti inhema dzavanoprofita kwamuri muzita rangu. Handina kumbovatuma, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Nokuti zvanzi naTenzi, kana Bhabhironi yapedza makore makumi manomwe, ndichazokushanyirai ndigokuitirai zvandavimbisa ndigokudzoserai kunzvimbo ino, nokuti ini ndinoziva zvandakakurongerai, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zvirongwa zvacho ndezvokuti zvinhu zvikunakirei kwete kuti zvikuipirei, kuri kukupai upenyu muneramangwana hune chitarisiro. Ipapo muchazochema kwandiri muchiuya kuzondinamata, ini ndichakunzwai. Muchanditsvaka mugondiwana kana manditsvaka nemwoyo wose. Muchandiwana ndizvo zviri kutaura Tenzi ndigokudzoserai makomborero enyu ndigokukokorodzai kumarudzi ose nokunzvimbo dzose kwandakudzingirai ndichikudzoserai kwandakambokubvisai pandakakuendesai kuutapwa, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Verenga chikamu Jeremiya 29
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jeremiya 29:4-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo