Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 18:1-6

Jeremiya 18:1-6 SCLB

Izwi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi rikati, “Chisumuka udzike kumba yomuumbi wehari, ikoko ndichaita kuti unzwe shoko rangu.” Saizvozvowo ndakadzika kumba kwomuumbi wehari onei achiumbira zvinhu pane chokuumbira chinotenderera. Zvino mudziyo waakanga achiumba nevhu iroro wakakanganisika uri mumaoko make kudaro akabva aumbazve mumwe mudziyo naro sokuda kwake. Izwi raTenzi ndokubva rauya kwandiri richiti, “Nhai imi vemba yeIsiraeri ndinotadza here kuita nemi zvaitwa nomuumbi uyu? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Chinzwai, sezvakangoita munyakwe uri mumaoko omuumbi ndozvamakangoita imi mumaoko mangu, imi vemba yaIsiraeri.

Verenga chikamu Jeremiya 18