Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 8:1-21

Vatongi 8:1-21 SCLB

Varume vokwaEfuraimu vakamubvunza kuti, “Ndochii ichochi chawatiitira ichi? Kuenda here chokwadi kundorwa navaMidhiani usina zvako kana kutidaidzawo?” Vakamupopotera vakagumbuka kwazvo. Iye akavati, “Chiiko zvino chandaita chingaenzaniswe nezvamakaita imi? Ko magirepisi amanofuhwa imi vokwaEfuraimu haasiri mazhinji here pane atinokohwa isu vokwaAbhiezeri? Mwari akaisa mumaoko enyu vatungamiriri vevaMidhiani vanaOrebhu naZeebhu. Zvino chiiwo chandakaita chingabangoenzaniswa nezvamakaita, imi?” Ipapo kumugumbukira kwavakanga vakaita kwakabva kwapera paakavataurira izvozvi. Kunyange Gidheoni navarume mazana matatu vaya, vakanga vaneta, vakasvika kuna Jorodhani vakayambuka vachingovadzingirira chete. Paakasvika kuSukoti akakumbira vanhu veko achiti, “Ndapota ndipireiwo vanhu vandinavo zvingwa nokuti vave nenzara. Ndiri pakuronda Zebha naZarimuna, madzimambo evaMidhiani.” Vakuru vakuru vomuSukoti vakati, “Ko ivo vana Zebha naZarimuna vacho wati wavabata here zvaunoti tipe hondo yako iyi chokudya?” Gidheoni ndokuti, “Zvakanaka, kana Tenzi angoisa Zebha naZarimuna mumaoko angu, ndichakupurai neminzwa yomurenje norukato.” Akabva ipapo akaenda kuPenueri akavakumbira zvimwechetezvo. Varume vokuPenueri vakamupindurawo zvimwechetezvo zvakapindurwa navarume vokuSukoti. Akataurira varume vomuPenueri achiti, “Kana ndadzoka zvakanaka, ndichakoromora shongwe iyi.” Izvozvo Zebha naZarimuna vakanga vava muKarikori navarwi vavo vehondo yavarume vainge zviuru gumi nezvishanu. Ndovose vakanga vasara pavarwi vehondo vokumabvazuva nokuti kwakanga kwafa varume varwi vehondo zana namakumi maviri ezviuru. Gidheoni akakwira nenzira yavanogara mumatendhe kumabvazuva kweNobha neJogibheha, akabva afuta hondo iyoyo oirwisa nokuti hondo iyoyo yakanga yavarayirwa. Zebha naZarimuna vakagoti gumbo ndibereke. Iye akadzingirirana navo ndokubata madzimambo maviri evaMidhiani vanaZebha naZarimuna. Akaitisa hondo yose yevaMidhiani chimwandamwanda. Gidheoni mwana waJoashi akadzoka kundorwa kumakata okuHeresi. Akabata rimwe jaya rokuSukoti ndokuribvunzisisa. Rakamunyorera mazita amachinda neavakuru vakuru vomuSukoti anosvika makumi manomwe namanomwe avarume. Gidheoni akasvika kuvarume vaya vomuSukoti akati, “Chionaika kuti Zebha naZarimuna vamakambondidadira muchiti, ‘Ko iye Zebha naZarimuna wacho wati wavabata here zvaunoti tipe varwi vako vafa nenzara chokudya?’ ” Akabata vakuru vakuru veguta reSukoti akavarova norukato neminzwa achiitira kuti vanhu vemuSukoti vawane chidzidzo pavari. Akandoputsa shongwe yePenueri ndokuuraya varume vomuguta iroro. Gidheoni akabvunza Zebha naZarimuna kuti, “Varume vamakauraya kuTabhori vakanga vakaita sei?” Ivo vakati, “Vakanga vakaita semi, vose vachinge vanakomana vamambo chaivo.” Akati, “Vakoma navanun'una vangu, vomumba chaivo. Ndinopika naTenzi mupenyu kuti dai makavarega vari vapenyu handaikuurayai.” Ipapo akati kuna Jeteri dangwe rake, “Simuka uvauraye.” Asi mukomana uyu haana kuvaburitsira bakatwa rake muhara, aitya nokuti akanga achiri muduku. Zebha naZarimuna vakati, “Simukai mutiuraye iyemi pachenyu nokuti ndimi mabve zano, mune simba.” Gidheoni akasimuka ndokuuraya Zebha naZarimuna, ndokubva atora nyembe dzaiva muhuro mengamera dzavo.

Verenga chikamu Vatongi 8