Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 7:19-22

Vatongi 7:19-22 SCLB

Gidheoni navarume zana vaaiva navo, vakasvika kumucheto wamatendhe avo nguva yomurira kamwe vaMidhiani vachangobva mukutsinhana kugaririra. Vana Gidheoni vakaridza hwamanda vakabwadura-bwadura zvirongo zvavakanga vakatakura. Vezvikwata zvitatu zviya vakaridza hwamanda, vakabwadura-bwadura zvirongo zviya. Kuruboshwe vainge vakabata mwenje, kurudyi vakabata hwamanda dzokuridza. Vakazhamba vachiti, “Hondo yaTenzi, hondo yaGidheoni!” Munhu wose akamira panzvimbo yake vakatenderedza matendhe iwayo. Hondo yavaMidhiani ndokuti ware kutiza ichiridza mhere. Pavakaridza mazana matatu ehwamanda, Tenzi akaita kuti vaMidhiani vabayane pachavo nokurwisawo hondo yose. Hondo yavo yakatiza kusvikira kuBhetishita yakananga kuZerera kudzamara kumuganho weAbherimehora pedyo neTabhati.

Verenga chikamu Vatongi 7