Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 7:1-9

Vatongi 7:1-9 SCLB

Jerubhaari, iye Gidheoni, navanhu vose vaaiva navo vakamuka rungwanangwana vakandodzika matendhe pedyo nechisipiti cheHarodhi. Matendhe evaMidhiani aiva ari nechokuchamhembe kwavo, mubani, pedyo nechikomo cheMore. Tenzi akataurira Gidheoni achiti, “Vanhu vaunavo vakawandisa kuti ndiise vaMidhiani mumaoko enyu nokuti vaIsiraeri vangazozvizuwidza vachiti, ‘Takazvinunura nesimba redu isu pachedu.’ Naizvozvo chiudza vanhu vachizvinzwira nenzeve dzavo uchiti, ‘Anenge achidedera nokutya, ngaadzokere zvake kumusha.’ ” Gidheoni akavaedza; varume vaisvika makumi maviri ezviuru nezviuru zviviri vakadzokera, kukasara zviuru gumi zvavarume. Tenzi akataurira Gidheoni zvakare achiti, “Vanhu ava vakawandisa nazvino wese. Enda navo kumvura, ndikuudze waungasarudze. Wandinenge ndati ngaaende newe, ndiye achaenda newe. Wandinengewo ndati haaende newe, ngaarege kuenda newe.” Saka Gidheoni akaenda nevanhu ivavo kumvura. Tenzi ndokuti kuna Gidheoni, “Vanhu vanenge vachinwa mvura vachiita zvokukasva sembwa vaise pavo voga, uisewo pavo vanenge vachiinwa vakapfugama.” Mazana matatu avarume vakaita zvokuikasva namaoko avo, asi vamwe vose vakapfugama pakunwa mvura iyoyo. Tenzi akati kuna Gidheoni, “Namazana matatu avarume vaita zvokukasva mvura, ndichakununurai, ndigoisa vaMidhiani mumaoko enyu. Rega vamwe vose vaende mumwe nomumwe kumusha kwake.” Saka Gidheoni akadzosera vamwe vaIsiraeri vose kumatendhe avo, kusiya mazana matatu aya. Akatora mbuva nehwamanda dzavamwe vaya. Matendhe evaMidhiani akanga ari nechenyasi mubani. Usiku hwakarehwo Tenzi akamuti, “Simuka uende kumatendhe avo nokuti ndaaisa mumaoko ako.

Verenga chikamu Vatongi 7