Mutumwa waTenzi akauya akagara pasi pomuoku wokuOfura wokwaJoashi muAbhieziri. Ipapo Gidheoni mwanakomana wake aingunopurira koroni muchisviniro chewaini achiihwandisa kuvaMidhiani. Mutumwa waTenzi akazviratidza kuna Gidheoni ndokuti, “Tenzi anewe, iyewe mvumba chaiyo yokurwa.”
Gidheoni akati kwaari, “Changamire, ko izvi zvose zvaizoitika sei kana Tenzi ainesu? Ko zvinhu zviya zvose zvinoshamisa zviri kupi zvatairondedzerwa namadzibaba edu kuti ndizvo zvaiitwa naTenzi maburutsiro aakavaita kuIjipiti? Asi iye zvino Tenzi akatirasa akatiti chi-i mumaoko evaMidhiani.”
Tenzi akamucheuka akamuti, “Enda nesimba irori raunaro ununure vaIsiraeri mumaoko avaMidhiani. Ndini ndiri kukutuma.”
Akati kwaari, “Changamire, ndinganunure sei vaIsiraeri? Mudzinza rokwaManase, mhuri yedu ndiyo duku duku uye mumba medu ndinongova munhuwo zvangu.”
Tenzi ndokuti, “Pamusana pokuti ndinenge ndinewe uchauraya vaMidhiani sokunge uri kuuraya munhu mumwechete.”
Akati kwaari, “Kana muchindida ndapota ndiitireiwo chokuratidza kuti imi pachenyu ndimi muri kutaura neni. Ndapota imboregai kuenda kusvikira ndadzoka ndakuigirai mupiro wangu, ndauturira kwamuri.”
Iye akati, “Ndinokumirira kusvikira wadzoka.”
Gidheoni akapinda mumba make akauraya mbudzana akaibika akatora upfu hwekoroni hwairema makirogiramu gumi akabika chingwa chisina mbiriso. Akaisa nyama yacho mutswanda, akaisa muto wayo mupoto. Akaenda nazvo kumunhu uya pasi pomuoku akasvikomuturira. Mutumwa waMwari ndokuti, “Tora nyama iyo nechingwa chisina mbiriso icho uzviise padombo iri, udire muto pamusoro pazvo.” Iye akaita saizvozvo. Mutumwa waTenzi akasveerera mhuro yakanga iri muruoko rwake akagunzva nyama iya nechingwa chisina mbiriso ndokubva moto wanganduka uchibva mudombo, ukaroromesa nyama iya nechingwa. Mutumwa waTenzi ndokunyangarika.
Gidheoni ndokubva aziva kuti mutumwa waTenzi. Ndokukanuka achiti, “Hezvo hezvo! Nhai Tenzi Mwari, zvandaonanazve nomutumwa waTenzi uso nouso.”
Asi Tenzi akati kwaari, “Rugare ngaruve newe, usatye, haufi.” Gidheoni akavakira Tenzi atari ipapo akaitumidza zita rokuti “Tenzi ndiye rugare.” Ichiriko nanhasi kuOfura, dunhu raAbhieziri. Usiku ihwohwo Tenzi akamuti, “Tora handira yababa wako yechipiri ine makore manomwe. Pwanya atari yaBhaari, yababa wako, utemeteme chitanda chinomiririra Ashera, chiri pedyo nayo, uvakire Tenzi Mwari wako atari pamusoro penzvimbo iyi yokuzvidzivirira muhondo iri pano, matombo ayo anyatsorongwa. Unofanira kutora handira iyoyo yechipiri woita mupiro wokupisa, uupise nomoto wehuni dzechitanda chiya chinomiririra Ashera chaunenge watema-tema.” Gidheoni akatora varanda vake gumi mukati mevaranda vake, akaita sezvaakanga audzwa naTenzi. Asi pamusana pokuti aitya vemhuri yake navanhu vaigara mugutamo haana kuzviita masikati, akazviita nousiku.
Varume vemuguta vakamuka, mangwanani wanei atari yaBhaari yapwanyiwa, chitanda chinomiririra Ashera chatemwa-temwa, handira yechipiri yapirwa paatari itsva yakanga yavakwapo. Vakabvunza vachiti, “Chaizvoizvo ndiani aita izvi?” Vakabvunzisisa vachitsvagurudza vakazoti, “NdiGidheoni mwanakomana waJoashi akaita izvi.”
Varume vemuguta imomo vakati kuna Joashi, “Uya nomwanakomana wako timuuraye nokuti ndiye akapwanya atari yaBhaari, akatema-tema Ashera aiva pedyo nayo.”
Asi Joashi akabvunza mhomho yakanga yakamukomba achiti, “Heya mafunga kurwira Bhaari nhai, kana kuti motoda zvenyu kumununura? Anenge achirwira Bhaari ngaaurayiwe mangwana kusati kwaedza. Kana Bhaari ari mwari regai azvirwire pachake nokuti atari yake yakapwanywa.”
Naizvozvo musi iwoyo Gidheoni akatumidzwa zita rokuti Jerubhaari zvinoreva kuti, “Regai Bhaari arwisane naye” nokuti akapwanya atari yake.
VaMidhiani vose nevaAmareki navanhu vokumabvazuva vakaunganidzana vakayambuka Jorodhani vakandodzika matendhe avo mubani reJezireeri. Mweya waTenzi wakazadza Gidheoni, akaridza hwamanda, vaAbhiezeri vakaunganidzana vomutevera. Akatumira nhume munyika yose yokwaManase, ivowo vakaunganidzana vakamutevera. Akatumirawo nhume kune vedzinza rokwaAsheri neraZebhuruni neraNafutari vakakwira kuzosangana navo.
Gidheoni akataura naMwari achiti, “Kana imi muchida kundishandisa kununura vaIsiraeri sokutaura kwamakaita, zvino ndavakuisa mhombwa yewuru paburiro apa, kana dova rikava pawuru chete, pamwe pose, pasi pachingova pakaoma ndopandichaziva kuti muri kuda kundishandisa kununura vaIsiraeri, sezvamakareva.” Zvakabva zvaita saizvozvo. Mangwana acho akamuka rungwanangwana, akasvina dova muwuru iya rikazadza ndiro yemvura. Gidheoni akatetererazve Mwari achiti, “Ndapota regai zvenyu kundishatirirwa ndigotaurawo kamwechete kano. Regai ndiedze zvakare nemhombwa yewuru kamwechete. Ndinokumbira kuti wuru iyi ive ndiyo yakaoma, pamwe pose pasi pave nedova.” Mwari akabva aita saizvozvo usiku ihwohwo. Pawuru chete ndopakanga pakaoma, asi pamwe pose, pasi paine dova.