Mutumwa waTenzi akauya akagara pasi pomuoku wokuOfura wokwaJoashi muAbhieziri. Ipapo Gidheoni mwanakomana wake aingunopurira koroni muchisviniro chewaini achiihwandisa kuvaMidhiani. Mutumwa waTenzi akazviratidza kuna Gidheoni ndokuti, “Tenzi anewe, iyewe mvumba chaiyo yokurwa.” Gidheoni akati kwaari, “Changamire, ko izvi zvose zvaizoitika sei kana Tenzi ainesu? Ko zvinhu zviya zvose zvinoshamisa zviri kupi zvatairondedzerwa namadzibaba edu kuti ndizvo zvaiitwa naTenzi maburutsiro aakavaita kuIjipiti? Asi iye zvino Tenzi akatirasa akatiti chi-i mumaoko evaMidhiani.”
Verenga chikamu Vatongi 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vatongi 6:11-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo