Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 4:1-24

Vatongi 4:1-24 SCLB

VaIsiraeri vakaita zvakare zvakaipa zvisingadiwe naTenzi mushure mokufa kwaEhudhi, naizvozvo Tenzi akavaisa mumaoko amambo Jabhini mumwe mambo womuKanani aitonga Hazori. Mutungamiriri wehondo yake ainzi Sisera aigara kuHaroshetihagoiimu. Aiva namazana mapfumbamwe engoro dzehondo dzesimbi. Akabata vaIsiraeri zvakaipa kwazvo kwamakumi maviri amakore, ndokubva vaIsiraeri vachema kuna Tenzi kuti avanunure. Panguva iyoyo Dhebhora muporofita wechikadzi, mudzimai waRapidhoti ndiye aitonga vaIsiraeri. Aitongera mhosva pamuti womurara wokwaDhebhora munyika yamakomo pakati peRama neBhetieri munyika yamakomo yokwaEfuraimu. VaIsiraeri vaitoenda ikoko kwaari kundotongwa mhosva dzavo. Dhebhora akatuma shoko rokuti Bharaki mwanakomana wavaAbhinoamu auye kwaari kubva kuKedheshi kwaNafutari akati kwaari, “Tenzi, Mwari wavaIsiraeri ari kukutuma, ari kuti, ‘Enda utore zviuru gumi zvavarume vedzinza rokwaNafutari neraZebhuruni uvatungamirire kugomo reTabhori. Ndichakwezvera Sisera mutungamiriri wehondo yaJabhini, kuzosangana newe pedyo norwizi rwaKishoni nengoro dzake dzehondo, nezvikwata zvake zvavarwi ndigomuisa mumaoko ako.’ ” Bharaki akamuti, “Kana imi mukaenda neni ndinoenda, asi kana imi musingaende neni, iniwo handiende.” Dhebhora ndokuti, “Zvokuenda newe ndinoenda, asi namaitiro awada kuzviita nawo aya, iwe hausiwe uchava nembiri nokuti Tenzi achaisa Sisera mumaoko omunhukadzi.” Nokudaro Dhebhora akasimuka akaenda pamwechete naBharaki kuKedheshi. Bharaki akakokorodza vedzinza rokwaZebhuruni nevokwaNafutari kuKedheshi. Varume vanosvika zviuru gumi vakamutevera. Dhebhora akaenda pamwechete naye. Hebheri muKeni akanga apararana navaKeni, zvizvarwa zvokwaHobhabhu madzitezvara aMosesi. Akanga akandodzika matendhe ake kumuoku wokuZaananimu, uri pedyo nokuKedheshi. Kwakasvitswa shoko kuna Sisera rokuti Bharaki mwanakomana waAbhinoamu aenda kugomo reTabhori. Sisera akaunganidza ngoro dzake dzose dzehondo, mazana mapfumbamwe engoro dzehondo dzesimbi, navarume vose vaaiva navo kuHaroshetihagoiimu akaenda navo kurwizi rwaKishoni. Dhebhora akati kuna Bharaki, “Chivavinga. Ndozuva raiswa Sisera mumaoko ako naTenzi. Handiti izvozvi Tenzi ari kukutungamirirai here?” Saka Bharaki akadzika mugomo reTabhori aine gumi rezviuru zvavarume vaimutevera. Tenzi akaita kuti Sisera nengoro dzake dzose dzehondo, nehondo yake dzose vati ware kutiza Bharaki ovarwisa namapakatwa. Sisera akajitika mungoro yake yehondo ndokuti gumbo ndibereke otiza netsoka. Bharaki akadzingirirana nengoro dzehondo dzacho nehondo yacho kusvikira kuHaroshetihagoiimu. Hondo yose yaSisera yakaurayiwa namapakatwa, hapana kana nomumwe akapunyuka. Asi Sisera akatizira netsoka kutendhe raJaeri mukadzi waHebheri wechiKeni nokuti Jabhini mambo weHazori ainzwanana nevemhuri yokwaHebheri muKeni. Jaeri akabuda akachingura Sisera akamuti, “Changamire, uyai zvenyu muno, uyai zvenyu muno, musatye.” Akabva apinda mutendhe, ndokumufugidza negumbeze. Akati kwaari, “Ndipeiwo mvura yokunwa ndafa nenyota!” Akabva amuzarurira chigubhu chomukaka akanwa, ndokumufukidza pakare. Akamuti, “Chimira pamusuo wetendhe apa. Kana kukasvika munhu akabvunza kuti ‘Pano pane munhu here? Iwe iti hapana.’ ” Asi Jaeri akatora hoko yetendhe nenyundo ndokuenda paari achiverevedza, iye akakotsira kudaro, aneta. Akasvikoroverera hoko iya pachawowo kusvikira yabayirira muvhu, ndokubva afa. Ndiye Bharaki tutururu achironda Sisera, ndokubva Jaeri abuda achichingurana naye akamuti, “Uyai ndikuratidzei munhu wamuri kutsvaka.” Akapinda mutendhe make muya, wanei Sisera akati rabada pasi, akafa, akarovererwa hoko yetendhe pachawowo. Musi iwoyo Tenzi akaita kuti vaIsiraeri vakurire Jabhini. VaIsiraeri vakaramba vati tsvome tsvome kurwisa Jabhini mumwewo mambo weKanani kusvikira vamuparadza chaizvo.

Verenga chikamu Vatongi 4