Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jemusi 3:9-12

Jemusi 3:9-12 SCLB

Tinorumbidza narwo Tenzi naBaba uye narwo tinorengerera vanhu rushambwa, vanhu vakasikwa vakafanana naMwari. Mukanwa mumwechetemo munobuda chikomborero nokurengerera rushambwa. Hama dzangu hazvifaniri kudaro. Chisipiti chingaburitse, napaburi rimwechete, mvura yakanaka nemvura inovava here? Muonde ungabereke maorivhi here, nhai hama dzangu, kana kuti mugirepisi ungabereke maonde here? Saizvozvowo mvura inovava haigoni kuburitsa mvura yakanaka.

Verenga chikamu Jemusi 3