Hama dzangu musave norusarura, imi muine chitendero muna Tenzi wedu Jesu Kristu, Tenzi wembiri. Ngatitii munhu ane mhete dzendarama, akapfeka hanzu dzakanakisisa anouya pasangano penyu. Munhu murombo akapfeka marengenya ouyawo imi motarira uya akapfeka hanzu dzakanakisisa moti kwaari, “Uya ugare napapa,” asi muchiti kumurombo, “Mira uko” kana kuti, “Uya ugare pasi pedyo nechitambarariko chetsoka dzangu.” Hamuna here kuita rusaruro pakati penyu muchiva vatongi vane pfungwa dzakaipa. Teererai, hama dzangu dzadiwa. Mwari haana kusarudza here varombo panyika kuti vave vapfumi muchitendero uye vagari venhaka youmambo hwaakatsidzira vanomuda. Asi imi munoshora murombo. Vapfumi havasirivo here vanokudzvanyirirai uye havasirivo vanokukwekweretserai kumatare here? Havasirivo vanoshonha here zita rinoremekedzwa ramunodaidzwa naro? Kana mukazadzisa mutemo woumambo maererano namagwaro matsvene unoti, “Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.” Munoita zvakanaka. Asi mukaratidza rusaruro, munopara chitadzo uye munopihwa mhosva nomutemo savatyori vomutemo nokuti munhu anochengeta mutemo wose asi okundika pamwe pawo ane mhosva yokutyora wose. Chikonzero ndechokuti iye akati, “Usaite upombwe,” ndiye akatiwo, “Usauraye.” Kana ukarega zvako kuita upombwe asi iwe uchiuraya watodarika mutemo. Kutaura nokuita kwenyu zviitei savanhu vachatongwa nomutemo worusununguko nokuti kutonga hakuna tsitsi kune munhu asinawo kuratidza tsitsi. Asi kune vakaratidza tsitsi kutonga hakuna zvakunovaita.
Verenga chikamu Jemusi 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jemusi 2:1-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo