Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 7:1-25

Isaya 7:1-25 SCLB

Mumazuva aAhazi mwanakomana waJotamu mwanakomana waUziya mambo wokwaJudha, Rezini mambo weSiria naPeka mwanakomana waRemaria mambo wokwaIsiraeri vakauya kuzorwisa guta reJerusaremu asi havana kukwanisa kurikurira. Pazvakasvika munzeve dzevemba yaDhavhidhi kuti Siria neEfuremu dzaita rimwe rokuda kukutsirana, iye navanhu vose vakadedera mumwoyo sezvinongoita miti yomusango ichivhuvhutwa nemhepo. Tenzi akati kuna Isaya, “Iwe nemwanakomana wako Sheariyashuvhu endai mundosangana naAhazi, kunoperera mugero wokudziva rokumusoro pamugwagwa mukuru wokumunda womusuki wembatya usvikoti kwaari, “Chinyatsonzwisisa, nyarara, rega kutya. Usadedereswe mwoyo pamusana pezvigutsa izvi zviviri zviri kupfungaira pamusana pokutya kuviruka nehasha kwaRezini nekweSiria nekwemwanakomana waRemaria vadai kukufungira zano rakaipa vachiti, ‘Handei tindorwisa nyika yokwaJudha tiidederese nokutya. Ngatindoikurira tiite yedu tigadze mwanakomana waTabhieri umambo pakati payo. Izvi ndizvo zviri kurehwa naTenzi Mwari.’ Izvozvo hazvisi kuzombomira uye hazvizi kuzomboitika. Handiti guta guru reSiria iDhamasikusi, uye musoro weDhamasikusi ndiRezini handiti? (Kusati kwapera makore makumi matanhatu namashanu Efuremu iyi ichaparara kuita ubvurubvuru chaihwo zvokuti ichasara isisiri dzinza). “Uye vokwaEfuremu vanovimba neSamaria, handitiwo musoro weSamaria ndiye mwanakomana waRemaria. Kana iwe usina chokwadi nazvo pamusana paizvozvo haumbopamira.” Tenzi akataurazve kuna Ahazi achiti, “Kumbira Tenzi Mwari wako chiratidzo, chingave chakadzika pasi pasi senzvimbo yavachakabvu kana kuti chiri kudengadenga sedenga.” Asi Ahazi akati, “Handidi kukumbira! Handidi kuedza Tenzi.” Iye akati, “Chinzwai imi vemba yaDhavhidhi. Iko kunetsa vanhu kwamunoita hakukukwanirei here zvamunoda kutonetsawo kunyange naMwari wangu? Naizvozvo Tenzi pachavo ndivo vachakupai chiratidzo. Chiteererai munzwe, mhandara yava napamuviri ichabereka mwana mukomana waichatumidza zita rokuti Imanueri. Achatosvika pakudya mukaka wakakora nouchi nokuti anenge oziva kuramba chakaipa nokusarudza chakanaka. Ndinodaro nokuti mwana iyeyu paachange asati aziva kuramba chakaipa nokusarudza chakanaka, nyika yacho ine madzimambo maviri ari kukudederesai ichasara yangova nyikawo zvayo, isisina munhu. “Tenzi achakupinzai imi navanhu venyu nevemba yemadzibaba enyu mumazuva asati ambovapo kubvira nguva yakabva vokwaEfuremu kune wokwaJudha, wacho ari kurehwa apa ndimambo weAsiria. “Pazuva iroro Tenzi acharidzira mheterwa nhunzi dziri kunovambira hova dzokuIjipiti, nenyuchi dziri kunyika yeAsiria. Dzichauya dzichizomhara mumakoronga akanyura chaizvo emumakomo nomumitswe yakadzika yematombo nomuzvikwenzi zvose zveminzwa nomumafuro mose. “Musi iwoyo Tenzi achagusa nechisvo chaanenge akwereta kumhiri kwerwizi rwaYufuratesi chisvo chacho chiri chamambo weAsiria achigusa musoro nevhudzi rokumakumbo chichiwumbura nendebvu. Pazuva iroro munhu achange akapfuwa mhou ichiri duku nenhunzvi mbiri dzehwai pamusana pokuwanda kwomukaka wadzinenge dzichibudisa; iye achadya zvake mukaka wakakora nokuti munhu wose anenge asara ari munyika ino achadya mukaka wakakora nouchi. “Musi iwoyo munda wose wose waimbova nechiuru chimwechete chemiti yemigirepisi chinoita chiuru chimwechete chemari yesirivha yemashekeri, uchanyatsoti memete nemakwenzi eminzwa norukato. Vanhu vanenge vava kutoenda kundovhima vaine uta nemiseve nokuti nyika yose ichange yangova minzwa norukato chete. Kana zviri zvomuzvikomo maimborimwa nemapadza hamuzombokuenda asi nokutya minzwa norukato kuti kuchange kwava zvako kwokusaidzira mombe kwava kwokutotsokodzerwa zvako nehwai.”

Verenga chikamu Isaya 7